< Mapisarema 23 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
INkosi ingumelusi wami, kangiyikuswela.
2 Anondivatisa pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza,
Iyangilalisa emadlelweni aluhlaza; iyangiholela emanzini okuphumula.
3 anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.
Ibuyisa umphefumulo wami, ingiholele endleleni zokulunga ngenxa yebizo layo.
4 Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
Yebo, loba ngihamba esihotsheni sethunzi lokufa, kangiyikwesaba okubi, ngoba wena ulami; intonga yakho lodondolo lwakho, khona kuyangiduduza.
5 Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira.
Uyalungisa itafula phambi kwami ngaphambi kwezitha zami; ugcoba ikhanda lami ngamafutha, inkezo yami iyaphuphuma.
6 Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.
Isibili okuhle lesihawu kuzangilandela insuku zonke zempilo yami; njalo ngizahlala endlini yeNkosi kuze kube nininini.

< Mapisarema 23 >