< Mapisarema 23 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
ダビデのうた ヱホバは我が牧者なり われ乏しきことあらじ
2 Anondivatisa pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza,
ヱホバは我をみどりの野にふさせ いこひの水濱にともなひたまふ
3 anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.
ヱホバはわが霊魂をいかし名のゆゑをもて我をただしき路にみちびき給ふ
4 Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
たとひわれ死のかげの谷をあゆむとも禍害をおそれじ なんぢ我とともに在せばなり なんぢの笞なんぢの杖われを慰む
5 Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira.
なんぢわが仇のまへに我がために筳をまうけ わが首にあぶらをそそぎたまふ わが酒杯はあふるるなり
6 Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.
わが世にあらん限りはかならず恩恵と憐憫とわれにそひきたらん 我はとこしへにヱホバの宮にすまん