< Mapisarema 22 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi. Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
Kwa mwimbishaji. Mtindo wa utenzi wa “Kulungu wa Alfajiri.” Zaburi ya Daudi. Mungu wangu, Mungu wangu, mbona umeniacha? Kwa nini uko mbali hivyo kuniokoa? Mbali hivyo na maneno ya kuugua kwangu?
2 Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.
Ee Mungu wangu, ninalia mchana, lakini hunijibu, hata usiku, sinyamazi.
3 Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.
Hata hivyo umesimikwa katika kiti cha enzi kama Uliye Mtakatifu; wewe ni sifa ya Israeli.
4 Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.
Kwako wewe baba zetu waliweka tumaini lao, walikutumaini nawe ukawaokoa.
5 Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.
Walikulilia wewe na ukawaokoa, walikutegemea wewe nao hawakuaibika.
6 Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
Mimi ni mnyoo wala si mwanadamu, wanaume wamenibeza, na watu wamenidharau.
7 Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
Wote wanionao hunidhihaki, hunivurumishia matusi, wakitikisa vichwa vyao:
8 “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”
Husema, “Anamtegemea Bwana, basi Bwana na amwokoe. Amkomboe basi, kwa maana anapendezwa naye.”
9 Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.
Hata hivyo ulinitoa tumboni, ukanifanya nikutegemee, hata nilipokuwa ninanyonya matiti ya mama yangu.
10 Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.
Nimekabidhiwa kwako tangu kuzaliwa, toka tumboni mwa mama yangu umekuwa Mungu wangu.
11 Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.
Usiwe mbali nami, kwa maana shida iko karibu na hakuna wa kunisaidia.
12 Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
Mafahali wengi wamenizunguka, mafahali wa Bashani wenye nguvu wamenizingira.
13 Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.
Simba wangurumao wanaorarua mawindo yao hupanua vinywa vyao dhidi yangu.
14 Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.
Nimemiminwa kama maji, mifupa yangu yote imetoka katika viungo vyake. Moyo wangu umegeuka kuwa nta, umeyeyuka ndani yangu.
15 Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.
Nguvu zangu zimekauka kama kigae, ulimi wangu umegandamana na kaakaa la kinywa changu, kwa sababu umenilaza katika mavumbi ya kifo.
16 Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.
Mbwa wamenizunguka, kundi la watu waovu limenizingira, wametoboa mikono yangu na miguu yangu.
17 Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.
Naweza kuhesabu mifupa yangu yote, watu wananikodolea macho na kunisimanga.
18 Vanogovana nguo dzangu pakati pavo uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.
Wanagawana nguo zangu wao kwa wao, na vazi langu wanalipigia kura.
19 Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
Lakini wewe, Ee Bwana, usiwe mbali. Ee Nguvu yangu, uje haraka unisaidie.
20 Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.
Okoa maisha yangu na upanga, uhai wangu wa thamani kutoka nguvu za mbwa.
21 Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati.
Niokoe kutoka kinywani mwa simba, niokoe kutoka pembe za mafahali mwitu.
22 Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.
Nitalitangaza jina lako kwa ndugu zangu, katika kusanyiko nitakusifu wewe.
23 Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!
Ninyi ambao mnamcha Bwana, msifuni! Ninyi nyote wazao wote wa Yakobo, mheshimuni yeye! Mcheni yeye, ninyi wazao wote wa Israeli!
24 Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.
Kwa maana hakupuuza wala kudharau mateso ya aliyeonewa; hakumficha uso wake bali alisikiliza kilio chake ili amsaidie.
25 Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.
Kwako wewe hutoka kiini cha sifa zangu katika kusanyiko kubwa, nitatimiza nadhiri zangu mbele ya wale wakuchao wewe.
26 Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!
Maskini watakula na kushiba, wale wamtafutao Bwana watamsifu: mioyo yenu na iishi milele!
27 Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake,
Miisho yote ya dunia itakumbuka na kumgeukia Bwana, nazo jamaa zote za mataifa watasujudu mbele zake,
28 nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi.
kwa maana ufalme ni wa Bwana naye hutawala juu ya mataifa.
29 Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa.
Matajiri wote wa dunia watasherehekea na kuabudu. Wote waendao mavumbini watapiga magoti mbele yake, wote ambao hawawezi kudumisha uhai wao.
30 Vana vake vachamushumira; zvizvarwa zvinotevera zvichaudzwa nezvaIshe.
Wazao wa baadaye watamtumikia yeye; vizazi vijavyo vitajulishwa habari za Bwana.
31 Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita.
Watatangaza haki yake kwa watu ambao hawajazaliwa bado, kwa maana yeye ametenda hili.