< Mapisarema 22 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi. Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
聖歌隊の指揮者によってあけぼののめじかのしらべにあわせてうたわせたダビデの歌 わが神、わが神、なにゆえわたしを捨てられるのですか。なにゆえ遠く離れてわたしを助けず、わたしの嘆きの言葉を聞かれないのですか。
2 Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.
わが神よ、わたしが昼よばわっても、あなたは答えられず、夜よばわっても平安を得ません。
3 Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.
しかしイスラエルのさんびの上に座しておられるあなたは聖なるおかたです。
4 Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.
われらの先祖たちはあなたに信頼しました。彼らが信頼したので、あなたは彼らを助けられました。
5 Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.
彼らはあなたに呼ばわって救われ、あなたに信頼して恥をうけなかったのです。
6 Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
しかし、わたしは虫であって、人ではない。人にそしられ、民に侮られる。
7 Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
すべてわたしを見る者は、わたしをあざ笑い、くちびるを突き出し、かしらを振り動かして言う、
8 “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”
「彼は主に身をゆだねた、主に彼を助けさせよ。主は彼を喜ばれるゆえ、主に彼を救わせよ」と。
9 Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.
しかし、あなたはわたしを生れさせ、母のふところにわたしを安らかに守られた方です。
10 Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.
わたしは生れた時から、あなたにゆだねられました。母の胎を出てからこのかた、あなたはわたしの神でいらせられました。
11 Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.
わたしを遠く離れないでください。悩みが近づき、助ける者がないのです。
12 Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
多くの雄牛はわたしを取り巻き、バシャンの強い雄牛はわたしを囲み、
13 Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.
かき裂き、ほえたけるししのように、わたしにむかって口を開く。
14 Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.
わたしは水のように注ぎ出され、わたしの骨はことごとくはずれ、わたしの心臓は、ろうのように、胸のうちで溶けた。
15 Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.
わたしの力は陶器の破片のようにかわき、わたしの舌はあごにつく。あなたはわたしを死のちりに伏させられる。
16 Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.
まことに、犬はわたしをめぐり、悪を行う者の群れがわたしを囲んで、わたしの手と足を刺し貫いた。
17 Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.
わたしは自分の骨をことごとく数えることができる。彼らは目をとめて、わたしを見る。
18 Vanogovana nguo dzangu pakati pavo uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.
彼らは互にわたしの衣服を分け、わたしの着物をくじ引にする。
19 Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
しかし主よ、遠く離れないでください。わが力よ、速く来てわたしをお助けください。
20 Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.
わたしの魂をつるぎから、わたしのいのちを犬の力から助け出してください。
21 Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati.
わたしをししの口から、苦しむわが魂を野牛の角から救い出してください。
22 Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.
わたしはあなたのみ名を兄弟たちに告げ、会衆の中であなたをほめたたえるでしょう。
23 Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!
主を恐れる者よ、主をほめたたえよ。ヤコブのもろもろのすえよ、主をあがめよ。イスラエルのもろもろのすえよ、主をおじおそれよ。
24 Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.
主が苦しむ者の苦しみをかろんじ、いとわれず、またこれにみ顔を隠すことなく、その叫ぶときに聞かれたからである。
25 Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.
大いなる会衆の中で、わたしのさんびはあなたから出るのです。わたしは主を恐れる者の前で、わたしの誓いを果します。
26 Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!
貧しい者は食べて飽くことができ、主を尋ね求める者は主をほめたたえるでしょう。どうか、あなたがたの心がとこしえに生きるように。
27 Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake,
地のはての者はみな思い出して、主に帰り、もろもろの国のやからはみな、み前に伏し拝むでしょう。
28 nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi.
国は主のものであって、主はもろもろの国民を統べ治められます。
29 Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa.
地の誇り高ぶる者はみな主を拝み、ちりに下る者も、おのれを生きながらえさせえない者も、みなそのみ前にひざまずくでしょう。
30 Vana vake vachamushumira; zvizvarwa zvinotevera zvichaudzwa nezvaIshe.
子々孫々、主に仕え、人々は主のことをきたるべき代まで語り伝え、
31 Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita.
主がなされたその救を後に生れる民にのべ伝えるでしょう。