< Mapisarema 21 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu. Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa!
Kwa mwimbishaji. Zaburi ya Daudi. Ee Bwana, mfalme huzifurahia nguvu zako. Tazama jinsi ilivyo kuu furaha yake kwa ushindi unaompa!
2 Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake, uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera
Umempa haja ya moyo wake na hukumzuilia maombi ya midomo yake.
3 Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma, uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena.
Ulimkaribisha kwa baraka tele na kumvika taji ya dhahabu safi kichwani pake.
4 Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva mazhinji, nokusingaperi-peri.
Alikuomba maisha, nawe ukampa, wingi wa siku milele na milele.
5 Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa.
Kutokana na ushindi uliompa, utukufu wake ni mkubwa, umeweka juu yake fahari na utukufu.
6 Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi, mukamufadza nomufaro pamberi penyu.
Hakika umempa baraka za milele, umemfanya awe na furaha kwa shangwe ya uwepo wako.
7 Nokuti mambo anovimba naJehovha; nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro, iye haangazungunuswi.
Kwa kuwa mfalme anamtumaini Bwana; kwa upendo usiokoma wa Aliye Juu Sana hatatikiswa.
8 Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu.
Mkono wako utawashika adui zako wote, mkono wako wa kuume utawakamata adui zako.
9 Panguva yokuonekwa kwenyu muchavaita sevira romoto. Jehovha achavamedza nehasha dzake, uye moto wake uchavaparadza.
Wakati utakapojitokeza utawafanya kama tanuru ya moto. Katika ghadhabu yake Bwana atawameza, moto wake utawateketeza.
10 Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika, vana vavo kubva pakati pavanhu.
Utawaangamiza wazao wao kutoka duniani, uzao wao kutoka wanadamu.
11 Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira;
Ingawa watapanga mabaya dhidi yako na kutunga hila, hawawezi kufanikiwa,
12 nokuti muchaita kuti vafuratire, pamuchavananga nouta hwakawemburwa.
kwa kuwa utawafanya wakimbie utakapowalenga usoni pao kwa mshale kutoka kwenye upinde wako.
13 Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu; tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.
Ee Bwana, utukuzwe katika nguvu zako, tutaimba na kusifu nguvu zako.

< Mapisarema 21 >