< Mapisarema 19 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake.
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake.
2 Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo.
Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo.
3 Hakuna mutauro kana rurimi rusinganzwi inzwi ravo.
Hakuna mutauro kana rurimi rusinganzwi inzwi ravo.
4 Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,
Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,
5 rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.
rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.
6 Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi; hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.
Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi; hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.
7 Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano.
Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano.
8 Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso.
Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso.
9 Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama.
Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama.
10 Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.
Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.
11 Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.
Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.
12 Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.
Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.
13 Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru.
Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru.
14 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.
Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

< Mapisarema 19 >