< Mapisarema 18 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati: Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.
伶長にうたはしめたるヱホバの僕ダビデの歌、このうたの詞はもろもろの仇およびサウルの手より救れしときヱホバに對ひてうたへるなり 云く ヱホバわれの力よ われ切になんぢを愛しむ
2 Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.
ヱホバはわが巌 わが城 われをすくふ者 わがよりたのむ神 わが堅固なるいはほ わが盾 わがすくひの角 わがたかき櫓なり
3 Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
われ讃稱ふべきヱホバをよびて仇人よりすくはるることをえん
4 Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.
死のつな我をめぐり惡のみなぎる流われをおそれしめたり
5 Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni. (Sheol h7585)
陰間のなは我をかこみ死のわな我にたちむかへり (Sheol h7585)
6 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.
われ窮苦のうちにありてヱホバをよび又わが紳にさけびたり ヱホバはその官よりわが聲をききたまふ その前にてわがよびし聲はその耳にいれり
7 Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;
このときヱホバ怒りたまひたれば地はふるひうごき山の基はゆるぎうごきたり
8 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.
烟その鼻よりたち火その口よりいでてやきつくし炭はこれがために燃あがれり
9 Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
ヱホバは天をたれて臨りたまふ その足の下はくらきこと甚だし
10 Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.
かくてケルブに乗りてとび風のつばさにて翔り
11 Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.
闇をおほひとなし水のくらきとそらの密雲とをそのまはりの幕となしたまへり
12 Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.
そのみまへの光輝よりくろくもをへて雹ともえたる炭とふりきたれり
13 Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.
ヱホバは天に雷鳴をとどろかせたまへり 至上者のこゑいでて雹ともえたる炭とふりきたり
14 Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.
ヱホバ矢をとばせてかれらを打ちらし數しげき電光をはなちてかれらをうち敗りたまへり
15 Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu.
ヱホバよ斯るときになんぢの叱咤となんぢの鼻のいぶきとによりて水の底みえ地の基あらはれいでたり
16 Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.
ヱホバはたかきより手をのべ我をとりて大水よりひきあげ
17 Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.
わがつよき仇とわれを憎むものとより我をたすけいだしたまへり かれらは我にまさりて最強かりき
18 Vakandinanga pazuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
かれらはわが災害の日にせまりきたれり 然どヱホバはわが支柱となりたまひき
19 Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.
ヱホバはわれを悦びたまふがゆゑにわれをたづさへ廣處にだして助けたまへり
20 Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu.
ヱホバはわが正義にしたがひて恩賜をたまひ わが手のきよきにしたがひて報賞をたれたまへり
21 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.
われヱホバの道をまもり惡をなしてわが神よりはなれしことなければなり
22 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake.
そのすべての審判はわがまへにありて われその律法をすてしことなければなり
23 Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.
われ神にむかひて缺るところなく己をまもりて不義をはなれたり
24 Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
この故にヱホバはわがただしきとその目前にわが手のきよきとにしたがひて我にむくいをなし給へり
25 Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
なんぢ憐憫あるものには憐みあるものとなり完全ものには全きものとなり
26 kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu.
きよきものには潔きものとなり僻むものにはひがむ者となりたまふ
27 Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza.
そは汝くるしめる民をすくひたまへど高ぶる目をひくくしたまふ可ればなり
28 Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza.
なんぢわが燈火をともし給ふべければなり わが神ヱホバわが暗をてらしたまはん
29 Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
我なんぢによりて軍の中をはせとほり わが神によりて垣ををどりこゆ
30 Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
神はしもその途またくヱホバの言はきよし ヱホバはずべて依頼むものの盾なり
31 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
そはヱホバのほかに紳はたれぞや われらの紳のほかに巌はたれぞや
32 NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu.
神はちからをわれに帯しめ わが途を全きものとなしたまふ
33 Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
神はわが足を唐のあしのごとくし我をわが高處にたたせたまふ
34 Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.
神はわが手をたたかひにならはせてわが臂に銅弓をひくことを得しめたまふ
35 Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru.
又なんぢの救の盾をわれにあたへたまへり なんぢの右手われをささへなんぢの謙卑われを大ならしめたまへり
36 Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.
なんぢわが歩むところを寛濶ならしめたまひたれば わが足ふるはざりき
37 Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.
われ仇をおひてこれに追及かれらのほろぶるまでは歸ることをせじ
38 Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu.
われかれらを撃てたつことを得ざらしめん かれらはわが足の下にたふるべし
39 Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.
そはなんぢ戦争のために力をわれに帯しめ われにさからひておこりたつ者をわが下にかがませたまひたればなり
40 Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu.
我をにくむ者をわが滅しえんがために汝またわが仇の背をわれにむけしめ給へり
41 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
かれら叫びたれども救ふものなく ヱホバに對ひてさけびたれども答へたまはざりき
42 Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha.
我かれらを風のまへの塵のごとくに搗砕き ちまたの坭のごとくに打棄たり
43 Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.
なんぢわれを民のあらそひより助けいだし我をたててもろもろの國の長となしたまへり わがしらざる民われにつかへん
44 Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu.
かれらわが事をききて立刻われにしたがひ異邦人はきたりて佞りつかへん
45 Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.
ことくにびとは衰へてその城よりをののきいでん
46 Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!
ヱホバは活ていませり わが磐はほむべきかな わがすくひの神はあがむべきかな
47 Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,
わがために讎をむくい異邦人をわれに服はせたまふはこの神なり
48 anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba.
神はわれを仇よりすくひたまふ實になんぢは我にさからひて起りたつ者のうへに我をあげ あらぶる人より我をたすけいだし給ふ
49 Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza.
この故にヱホバよ われもろもろの國人のなかにてなんぢに感謝し なんぢの名をほめうたはん
50 Anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.
ヱホバはおほいなる救をその王にあたへ その受膏者ダビデとその裔とに世々かぎりなく憐憫をたれたまふ

< Mapisarema 18 >