< Mapisarema 17 >

1 Munyengetero waDhavhidhi. Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama; inzwai kuchema kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, usingabvi pamiromo inonyengera.
“A prayer of David.” Hear, O Lord, [the cause of] righteousness, attend unto my entreaty, give ear unto my prayer, coming from lips without deceit.
2 Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri; meso enyu ngaaone zvakarurama.
Let from thy presence my sentence come forth; let thy eyes behold what is right.
3 Kunyange mukaedza mwoyo wangu uye mukandiongorora usiku, kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu; ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza.
Thou hast proved my heart; thou hast thought of me in the night; thou hast refined me—thou couldst find nothing: my purpose doth not pass beyond [the words of] my mouth.
4 Kana ari mabasa avanhu, neshoko remiromo yenyu, ndakanzvenga nzira dzouyo anoita nechisimba.
Among the deeds of men did I observe, by the word of thy lips, the paths of the dissolute.
5 Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu; tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
My steps held firmly to thy tracks, [and] my footsteps did not slip.
6 Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu.
I call on thee, for thou wilt answer me, O God: incline thy ear unto me, hear my speech.
7 Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru, imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, avo vanovanda vavengi vavo mamuri.
Show marvelously thy loving-kindnesses, O thou that savest those who put their trust [in thee] from those that rise up [against them] by thy right hand.
8 Ndichengetei semboni yeziso renyu; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,
Keep me as the apple of the eye; conceal me under the shadow of thy wings,
9 kubva kuno wakaipa anondirwisa, kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza.
From the wicked that despoil me, my enemies, who, to take my life, compass me about.
10 Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.
They are enclosed in their own fat: with their mouth they speak proudly.
11 Vakandironda, zvino vandikomba, vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi.
On our steps they now encompass us: they direct their eyes to turn aside in the land.
12 Vakaita seshumba ine nzara yechokudya, seshumba huru yakavandira pakavanda.
Every man is just like a lion that is greedy to tear his prey, and like a young lion lurking in a covert.
13 Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo, vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa.
Arise, O Lord, prevent him, cast him down; deliver my soul from the wicked, who is thy sword, —
14 Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai, kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno. Munopedza nzara yaavo vamunoda; vanakomana vavo vane zvakawanda, uye vanounganidzira vana vavo pfuma.
From these men—thy hand—O Lord, from the men of this world, whose portion is in this life, and whose belly thou fillest with thy hidden treasure: they have children in plenty, and leave the rest of their substance to their babes.
15 Zvino ini mukururama, ndichaona chiso chenyu; pandinomuka, ndichagutswa nokuona mufananidzo wenyu.
As for me, in righteousness shall I behold thy face: I shall be satisfied, when I awake, with contemplating thy likeness.

< Mapisarema 17 >