< Mapisarema 16 >

1 Mikitami raDhavhidhi. Ndichengetedzei, imi Mwari, nokuti ndinovanda mamuri.
Mikitami raDhavhidhi. Ndichengetedzei, imi Mwari, nokuti ndinovanda mamuri.
2 Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.”
Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.”
3 Kana vari vatsvene vari panyika, ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose.
Kana vari vatsvene vari panyika, ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose.
4 Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.
Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.
5 Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.
Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.
6 Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka; zvirokwazvo ndine nhaka inofadza.
Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka; zvirokwazvo ndine nhaka inofadza.
7 Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.
Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.
8 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kurudyi rwangu, handingatongozungunuswi.
Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kurudyi rwangu, handingatongozungunuswi.
9 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza; muviri wanguwo uchazorora zvakanaka,
Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza; muviri wanguwo uchazorora zvakanaka,
10 nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora. (Sheol h7585)
nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora. (Sheol h7585)
11 Makandizivisa nzira youpenyu; muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu, nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.
Makandizivisa nzira youpenyu; muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu, nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

< Mapisarema 16 >