< Mapisarema 150 >

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Mwari munzvimbo yake tsvene; murumbidzei mumatenga esimba rake.
Toonu Onyenwe anyị. Toonu Chineke nʼime ụlọnsọ ya. Toonu ya, na mbara igwe nke ike ya.
2 Murumbidzei nokuda kwamabasa ake esimba; murumbidzei nokuda kwoukuru hwake hunokunda zvose.
Toonu ya, nʼihi ọrụ niile ọ rụrụ site nʼike ya. Toonu ya, nʼihi ịdị ukwuu ya nke kachasị ịdị ukwuu niile.
3 Murumbidzei nenzwi rehwamanda, murumbidzei nembira nomutengeranwa.
Werenụ opi ike too ya, werekwanụ ụbọ akwara na une too ya,
4 Murumbidzei nematambureni muchitamba, murumbidzei norudimbwa nenyere.
jirinụ ihe iti egwu na ite egwu too ya, jirikwanụ ụbọ akwara dị iche iche na ọja too ya,
5 Murumbidzei namakandira anorira, murumbidzei namakandira anorira kwazvo.
werenụ ogene too ya, werekwanụ ogene na-ada oke ụda too ya.
6 Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha. Rumbidzai Jehovha.
Ka ihe niile na-eku ume too Onyenwe anyị. Toonu Onyenwe anyị.

< Mapisarema 150 >