< Mapisarema 15 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?
Nkosi, ngubani ozahlala ethenteni lakho? Ngubani ozakwakha entabeni yakho engcwele?
2 Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,
Ngulowo ohamba ngobuqotho, lowenza okulungileyo, lokhuluma iqiniso enhliziyweni yakhe,
3 uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye,
ongahlebiyo ngolimi lwakhe, ongenzi okubi kumngane wakhe, longaphakamiseli umakhelwane wakhe ihlazo;
4 anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza,
olahliweyo uyenyanyeka emehlweni akhe, kodwa uyabahlonipha abayesabayo iNkosi; ofunga ngokuzilimaza, kodwa kaphenduki,
5 anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozungunuswi.
onganiki imali yakhe ukuthi azuze inzuzo, longemukeli umvuzo wokuthengwa ngongelacala. Owenza lezizinto kayikunyikinywa kuze kube nininini.