< Mapisarema 149 >

1 Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene.
Msifuni Bwana. Mwimbieni Bwana wimbo mpya, sifa zake katika kusanyiko la watakatifu.
2 Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.
Israeli na washangilie katika Muumba wao, watu wa Sayuni na wafurahi katika Mfalme wao.
3 Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.
Na walisifu jina lake kwa kucheza na wampigie muziki kwa matari na kinubi.
4 Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.
Kwa maana Bwana anapendezwa na watu wake, anawavika wanyenyekevu taji ya wokovu.
5 Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo.
Watakatifu washangilie katika heshima hii, na waimbe kwa shangwe vitandani mwao.
6 Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,
Sifa za Mungu na ziwe vinywani mwao na upanga ukatao kuwili mikononi mwao,
7 kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu,
ili walipize mataifa kisasi na adhabu juu ya mataifa,
8 vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare,
wawafunge wafalme wao kwa minyororo, wakuu wao kwa pingu za chuma,
9 kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha.
ili kuwafanyia hukumu iliyoandikwa dhidi yao. Huu ndio utukufu wa watakatifu wake wote. Msifuni Bwana.

< Mapisarema 149 >