< Mapisarema 148 >

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga, murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro.
הללו-יה הללו את-יהוה מן-השמים הללוהו במרומים
2 Murumbidzei, imi vatumwa vake vose, murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga.
הללוהו כל-מלאכיו הללוהו כל-צבאו
3 Murumbidzei, imi zuva nomwedzi, murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya.
הללוהו שמש וירח הללוהו כל-כוכבי אור
4 Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro, nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga.
הללוהו שמי השמים והמים אשר מעל השמים
5 Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa.
יהללו את-שם יהוה כי הוא צוה ונבראו
6 Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri, akapa chirevo chisingazombopfuuri.
ויעמידם לעד לעולם חק-נתן ולא יעבור
7 Rumbidzai Jehovha imi nyika, imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza,
הללו את-יהוה מן-הארץ-- תנינים וכל-תהמות
8 nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva,
אש וברד שלג וקיטור רוח סערה עשה דברו
9 imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose,
ההרים וכל-גבעות עץ פרי וכל-ארזים
10 mhuka dzesango nemombe dzose, zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka,
החיה וכל-בהמה רמש וצפור כנף
11 Madzimambo enyika nendudzi dzose, imi machinda nemi vatongi vose panyika,
מלכי-ארץ וכל-לאמים שרים וכל-שפטי ארץ
12 majaya nemhandara, vatana navana.
בחורים וגם-בתולות זקנים עם-נערים
13 Ngavarumbidze zita raJehovha, nokuti zita rake iye oga iguru; kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga.
יהללו את-שם יהוה-- כי-נשגב שמו לבדו הודו על-ארץ ושמים
14 Akasimudzira vanhu vake runyanga, iyo rumbidzo yavatsvene vake vose, yaIsraeri, vanhu vari pedyo nomwoyo wake. Rumbidzai Jehovha.
וירם קרן לעמו תהלה לכל-חסידיו-- לבני ישראל עם קרבו הללו-יה

< Mapisarema 148 >