< Mapisarema 146 >

1 Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.
Msifu Yahwe. Msifu Yahwe, ee nafsi yangu.
2 Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
Ninamsifu Mungu maisha yangu yote; nitamuimbia sifa Mungu wangu ni ngali ni hai.
3 Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.
Msiweke imani katika wakuu au wanadamu, ambaye katika yeye hamna wokovu.
4 Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.
Wakati uhai wa pumzi ya mtu unapokoma, hurudi aridhini; siku hiyo mipango yake hufikia mwisho.
5 Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,
Amebarikiwa yule ambaye Mungu wa Yakobo ni msaada wake, ambaye tumaini lake liko katika Yahwe Mungu wake.
6 Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi.
Yahwe aliumba mbingu na nchi, bahari, na vyote vilivyomo; huitazama kweli milele.
7 Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa.
Yeye hutekeleza hukumu kwa ajili ya walioonewa na huwapa chakula wenye njaa. Yahwe huwafungua waliofungwa;
8 Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama.
Yahwe huyafungua macho ya kipofu; Yahwe huwainua walioinama; Yahwe huwapenda watu wenye haki.
9 Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.
Yahwe huwalinda wageni katika nchi; huwainua yatima na wajane, bali huipinga njia ya wasio haki.
10 Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose. Rumbidza Jehovha.
Yahwe atatawala milele, Mungu wako, Sayuni, kwa vizazi vyote. Msifuni Yahwe.

< Mapisarema 146 >