< Mapisarema 146 >
1 Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.
ALLELUIA. Anima mia, loda il Signore.
2 Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
Io loderò il Signore, mentre viverò; Io salmeggerò al mio Dio, mentre durerò.
3 Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.
Non vi confidate in principi, [Nè] in alcun figliuol d'uomo, che non ha modo di salvare.
4 Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.
Il suo fiato uscirà, ed egli se ne ritornerà nella sua terra; In quel dì periranno i suoi disegni.
5 Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,
Beato colui che ha l'Iddio di Giacobbe in suo aiuto, La cui speranza [è] nel Signore Iddio suo
6 Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi.
Il quale ha fatto il cielo e la terra, Il mare, e tutto ciò ch'[è] in essi; Che osserva la fede in eterno;
7 Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa.
Il qual fa ragione agli oppressati; [E] dà del cibo agli affamati. Il Signore scioglie i prigioni.
8 Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama.
Il Signore apre [gli occhi] a' ciechi; Il Signore rileva quelli che son chinati; Il Signore ama i giusti.
9 Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.
Il Signore guarda i forestieri; Egli solleva l'orfano e la vedova; E sovverte la via degli empi.
10 Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose. Rumbidza Jehovha.
Il Signore regna in eterno, E il tuo Dio, o Sion, per ogni età. Alleluia.