< Mapisarema 145 >

1 Pisarema rokurumbidza, raDhavhidhi. Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.
Nitakutukuza wewe, Mungu wangu, Mfalme; nitalihimidi jina lako milele na milele.
2 Ndichakurumbidzai mazuva ose, uye ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.
Kila siku nitakuhimidi; nitalisifu jina lako milele na milele.
3 Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.
Yahwe ndiye mkuu na wakusifiwa sana; ukuu wake hauchunguziki.
4 Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe; vachareva zvamabasa enyu esimba.
Kizazi kimoja kitayasifu matendo yako kwa kizazi kijacho na kitatangaza matendo yako makuu.
5 Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu, uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa.
Nitaitafakari fahari ya utukufu wa adhama yako na matendo yako ajabu.
6 Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa, uye ndichaparidza mabasa enyu makuru.
Watanena juu ya nguvu ya kazi zako za kutisha, nami nitatangaza ukuu wako.
7 Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu, uye vachaimba nomufaro pamusoro pokururama kwenyu.
Nao watatangaza wingi wa wema wako, na wataimba kuhusu haki yako.
8 Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye azere norudo.
Yahwe ni wa neema na huruma, si mwepesi wa hasira na mwingi katika uaminifu wa agano lake.
9 Jehovha akanaka kuna vose; uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita.
Yahwe ni mwema kwa wote; huruma zake zi juu ya kazi zake zote.
10 Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha; vatsvene venyu vachakukudzai.
Vyote ulivyo viumba vitakushukuru wewe, Yahwe; waaminifu wako watakutukuza wewe.
11 Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu,
Waaminifu wako watanena juu ya utukufu wa ufalme wako, na watahubiri juu ya nguvu zako.
12 kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru, nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu.
Watayafanya matendo makuu ya Mungu ya julikane na wanadamu na utukufu wa fahari ya ufalme wake.
13 Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi, uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose. Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
Ufalme wako ni wa milele, na mamlaka yako ya dumu kizazi hata kizazi.
14 Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.
Yahwe huwategemeza wote waangukao na huwainua wote walioinama chini.
15 Meso avose anotarira kwamuri, uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira.
Macho ya wote yanakungoja wewe; nawe huwapa chakula chao kwa wakati sahihi.
16 Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.
Huufungua mkono wako na hukidhi haja ya kila kiumbe hai.
17 Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
Yahwe ni mwenye haki katika njia zake zote na neema katika yote afanyayo.
18 Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
Yahwe yu karibu na wote wamwitao, wale wamwitao yeye katika uaminifu.
19 Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya; anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa.
Hutimiza haja za wale wanao mheshimu yeye; husikia kilio chao na kuwaokoa.
20 Jehovha anochengeta vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose.
Yahwe huwalinda wale wampendao, lakini atawaangamiza waovu wote.
21 Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha. Zvisikwa zvose ngazvirumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri.
Kinywa changu kitazinena sifa za Yahwe; wanadamu wote na walitukuze jina lake takatifu milele na milele.

< Mapisarema 145 >