< Mapisarema 145 >
1 Pisarema rokurumbidza, raDhavhidhi. Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.
Yon chan lwanj pa David Mwen va leve Ou wo, O Bondye mwen, O Wa a. Mwen va beni non Ou pou tout tan e pou tout tan.
2 Ndichakurumbidzai mazuva ose, uye ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.
Chak jou, mwen va beni Ou e mwen va louwe non Ou pou tout tan e pou tout tan.
3 Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.
Gran se SENYÈ a, dign de lwanj. Grandè Li pa kab fin sonde menm.
4 Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe; vachareva zvamabasa enyu esimba.
Yon jenerasyon va louwe zèv Ou yo jis rive nan yon lòt. Yo va pwoklame zèv pwisan Ou yo.
5 Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu, uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa.
Sou bèlte e glwa a majeste Ou avèk zèv mèvèy Ou yo, mwen va reflechi tout tan.
6 Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa, uye ndichaparidza mabasa enyu makuru.
Lezòm va pale sou pouvwa a zèv mèvèy Ou yo e mwen va pale jan Ou gran.
7 Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu, uye vachaimba nomufaro pamusoro pokururama kwenyu.
Yo va pouse pale ak enpasyans sou memwa a bonte Ou. Yo va rele fò ak lajwa de ladwati Ou.
8 Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye azere norudo.
SENYÈ a plen gras avèk mizerikòd, lan nan kòlè e gran nan lanmou dous Li a.
9 Jehovha akanaka kuna vose; uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita.
SENYÈ a bon pou tout moun e gras Li lonje rive sou tout zèv Li yo.
10 Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha; vatsvene venyu vachakukudzai.
Tout zèv Ou yo va di Ou: “Mèsi O SENYÈ,” e fidèl Ou yo va beni Ou.
11 Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu,
Yo va pale glwa a wayòm Ou an, e pale sou zafè pouvwa Ou yo;
12 kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru, nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu.
Pou fè rekonèt a fis a lòm yo, zèv pwisan Ou yo avèk glwa ak majeste a wayòm Ou an.
13 Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi, uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose. Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
Wayòm Ou an se yon wayòm etènèl e règn Ou an dire pou tout jenerasyon yo.
14 Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.
SENYÈ a bay soutyen a tout moun ki tonbe. Li leve wo tout (sila) ki vin pwostène yo.
15 Meso avose anotarira kwamuri, uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira.
Zye a tout moun genyen espwa sou Ou. Ou bay yo manje yo nan lè yo.
16 Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.
Ou ouvri men Ou pou satisfè dezi a tout (sila) k ap viv yo.
17 Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
Senyè a dwat nan tout chemen Li yo, e ranpli ak bonte nan tout zèv Li yo.
18 Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
SENYÈ a toupre tout (sila) ki rele Li yo, tout (sila) ki rele li ak verite yo.
19 Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya; anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa.
Li va ranpli dezi a (sila) ki gen lakrent Li yo. Anplis Li va tande kri yo e Li va sove yo.
20 Jehovha anochengeta vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose.
SENYÈ a kenbe tout (sila) ki renmen Li yo, men mechan yo, Li va detwi
21 Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha. Zvisikwa zvose ngazvirumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri.
Bouch mwen va pale lwanj SENYÈ a, e tout chè va beni sen non Li an jis pou tout tan e pou tout tan.