< Mapisarema 144 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa.
Atukuzwe Yahwe, mwamba wangu, anifundishaye mikono yangu vita na vidole vyangu kupigana.
2 Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu.
Wewe ni uaminifu wa agano langu na ngome yangu, mnara wangu mrefu na uniokoaye, ngao yangu na yule ambaye katika yeye napata kimbilio, uyatiishaye mataifa chini yangu.
3 Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?
Ee Yahwe, mtu ni kitu gani hata umtazame au mwana wa mtu hata umfikirie?
4 Munhu akafanana nomweya wokufema; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.
Mtu ni kama pumzi, siku zake ni kama uvuli upitao.
5 Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi.
Ee Yahwe uziinamishe mbingu na ushuke chini, uiguse milima na uifanye kutoa moshi.
6 Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza.
Utume umeme uwatawanye adui zangu; upige mishale yako na uwavuruge.
7 Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa
Nyosha mkono wako toka juu; uniokoe kutoka katika maji mengi, na kutoka katika mkono wa wageni.
8 vane miromo izere nenhema, maoko avo orudyi anonyengera.
vinywa vyao hunena uongo, na mkono wao wa kuume ni mkono wa uongo.
9 Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,
Nitakuimbia wimbo mpya, Mungu; kwa kinanda cha nyuzi kumi nitakuimbia sifa wewe,
10 iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.
uwapaye wafalme wokovu, uliye muokoa Daudi mtumishi wako dhidi ya upanga wa uovu.
11 Ndirwirei uye mundinunure kubva pamaoko avatorwa, vane miromo izere nenhema, vane maoko orudyi anonyengera.
Uniokoe na unitoe mkononi mwa wageni. Midomo yao huongea uongo, na mkono wao wa kuume ni mkono wa uongo.
12 Ipapo vanakomana vedu pauduku hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka, uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa kuti dzishongedze muzinda wamambo.
Wana wetu na wawe kama mimea ikuayo kwa ukumbwa timilifu katika ujana wao na binti zetu kama nguzo za pembeni, zilizonakishiwa kwa kupamba jumba la kifahari.
13 Matura edu achazadzwa nemhando dzose dzezviyo. Makwai edu achawanda nezviuru, nezviuru gumi mumafuro edu;
Ghala zetu na zijae akiba ya kila aina ya mazao, na kondoo wetu wazae elfu na makumi elfu mashambani mwetu.
14 nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema. Hapachazova nokuputswa kwamasvingo, hapachazova nokuenda kuutapwa, hapachazova nokuchema nenhamo, munzira dzedu dzomumisha.
Kisha ng'ombe wetu watakuwa na nddama wengi. Hakuna atakayevunja kuta zetu; hakutakuwa na uhamisho wala kilio mitaani mwetu.
15 Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi; vakaropafadzwa vanhu avo vana Jehovha Mwari wavo.
Wamebarikiwa watu wenye baraka hizo; furaha ina watu ambao Mungu wao ni Yahwe.

< Mapisarema 144 >