< Mapisarema 144 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa.
ダビデのうた 戦することをわが手にをしへ 闘ふことをわが指にをしへたまふ わが磐ヱホバはほむべきかな
2 Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu.
ヱホバはわが仁慈わが城なり わがたかき櫓われをすくひたまふ者なり わが盾わが依頼むものなり ヱホバはわが民をわれにしたがはせたまふ
3 Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?
ヱホバよ人はいかなる者なれば之をしり 人の子はいかなる者なれば之をみこころに記たまふや
4 Munhu akafanana nomweya wokufema; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.
人は氣息にことならず その存らふる日はすぎゆく影にひとし
5 Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi.
ヱホバよねがはくはなんぢの天をたれてくだり 手を山につけて煙をたたしめたまへ
6 Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza.
電光をうちいだして彼等をちらし なんぢの矢をはなちてかれらを敗りたまへ
7 Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa
上より手をのべ我をすくひて 大水より外人の手よりたすけいだしたまへ
8 vane miromo izere nenhema, maoko avo orudyi anonyengera.
かれらの口はむなしき言をいひ その右の手はいつはりのみぎの手なり
9 Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,
神よわれ汝にむかひて新らしき歌をうたひ 十絃の琴にあはせて汝をほめうたはん
10 iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.
なんぢは王たちに救をあたへ 僕ダビデをわざはひの劍よりすくひたまふ神なり
11 Ndirwirei uye mundinunure kubva pamaoko avatorwa, vane miromo izere nenhema, vane maoko orudyi anonyengera.
ねがはくは我をすくひて外人の手よりたすけいだしたまへ かれらの口はむなしき言をいひ その右の手はいつはりのみぎの手なり
12 Ipapo vanakomana vedu pauduku hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka, uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa kuti dzishongedze muzinda wamambo.
われらの男子はとしわかきとき育ちたる草木のごとくわれらの女子は宮のふりにならひて刻みいだしし隅の石のごとくならん
13 Matura edu achazadzwa nemhando dzose dzezviyo. Makwai edu achawanda nezviuru, nezviuru gumi mumafuro edu;
われらの倉はみちたらひてさまざまのものをそなへ われらの羊は野にて千萬の子をうみ
14 nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema. Hapachazova nokuputswa kwamasvingo, hapachazova nokuenda kuutapwa, hapachazova nokuchema nenhamo, munzira dzedu dzomumisha.
われらの牡牛はよく物をおひ われらの衢にはせめいることなく亦おしいづることなく叫ぶこともなからん
15 Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi; vakaropafadzwa vanhu avo vana Jehovha Mwari wavo.
かかる状の民はさいはひなり ヱホバをおのが神とする民はさいはひなり

< Mapisarema 144 >