< Mapisarema 143 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu, ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu; uyai mundisunungure nokutendeka uye nokururama kwenyu.
Zaburi mar Daudi. Winj lamona, yaye Jehova Nyasaye, chik iti ne ywakna mar kech; bi mondo ikonya nikech in ja-adiera kendo itimo maber.
2 Musauyisa muranda wenyu mukutongwa, nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.
Kik imi jatichni yud kum nimar onge kata ngʼato achiel matimo maber e nyimi.
3 Muvengi anondidzinganisa, anondirovera pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare.
Jasigu lawa matek, oserodha piny nyaka e lowo; ochuna ni nyaka adag kama otimo mudho mana ka joma notho chon gi lala.
4 Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu; mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.
Omiyo chunya chandore e iya, ee, chunya obwok.
5 Ndinorangarira mazuva akare kare; ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.
Aparo higni machon mosekalo; aketo pacha mos kuom tijeni duto, kendo ageno gik ma lweti osetimo.
6 Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera
Ayaroni lwetena; chunya gombi mana kaka lowo motwo gombo koth. (Sela)
7 Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.
Dwoka piyo, yaye Jehova Nyasaye, nimar chunya ool. Kik ipandna wangʼi nono to dipoka achalo gi joma ridore e bur matut.
8 Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
Mi mondo okinyi oromna gi herani ma ok rem, nimar aketo genona kuomi. Nyisa yo monego alu nimar aketo chunya duto kuomi.
9 Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha, nokuti ndinozvivanza mamuri.
Resa e lwet wasika, yaye Jehova Nyasaye, nimar in e jaritna.
10 Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.
Puonja timo dwaroni, nimar in e Nyasacha; mi mondo Roho mari maber, otelna e yo mopie.
11 Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu; ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.
Yaye Jehova Nyasaye, kony ngimana nikech nyingi iwuon; gola oko e chandruok nikech timni maber.
12 Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi; paradzai vavengi vangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.
Mi wasika olingʼ thi, nikech herani ma ok rem; tiek joma kedo koda duto nimar an jatichni.