< Mapisarema 142 >

1 Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero. Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha; ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.
Ngakhalela eNkosini ngelizwi lami, ngelizwi lami eNkosini ngancenga.
2 Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake; ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.
Ngathulula isikhalazo sami phambi kwayo, ngatshengisa ukuhlupheka kwami phambi kwayo.
3 Mweya wangu paunoziya mandiri, imi ndimi munoziva nzira yangu. Munzira mandinofamba, vanhu vakandivanzira misungo.
Lapho umoya wami uphela amandla phakathi kwami, wena wayazi indlela yami. Endleleni engihamba ngayo bangifihlele umjibila.
4 Tarirai kurudyi rwangu mugoona; hakuna ane hanya neni. Handina utiziro; hakuna ane hanya noupenyu hwangu.
Khangela ngakwesokunene, ubone, kodwa wayengekho ongaziyo; isiphephelo sangehlula, kakho owakhathalela umphefumulo wami.
5 Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi utiziro hwangu, nomugove wangu munyika yavapenyu.”
Ngakhalela kuwe, Nkosi, ngathi: Wena uyisiphephelo sami, isabelo sami elizweni labaphilayo.
6 Teererai kuchema kwangu, nokuti ndiri pakushayiwa kukuru; ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa, nokuti vanondikurira simba.
Lalela ukukhala kwami, ngoba ngehliselwe phansi kakhulu. Ngikhulula kwabangizingelayo, ngoba balamandla kulami.
7 Ndibudisei mutorongo, kuti ndirumbidze zita renyu. Ipapo vakarurama vachandipoteredza nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.
Khupha umphefumulo wami entolongweni, ukuze ngidumise ibizo lakho. Abalungileyo bazangibuthanela, ngoba uzangiphatha kuhle kakhulu.

< Mapisarema 142 >