< Mapisarema 141 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.
上主,我呼求您,請求速來救助我;上主,我呼求您,請您聽我的呼號。
2 Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.
願我向您的祈禱,像馨香上升;願我的手高舉,如同晚祭的高騰。
3 Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu.
上主,求您在我的口邊派守衛,求您在我的唇前派警備。
4 Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa, kuti ndiitewo mabasa akaipa navanhu vanoita zvakaipa; ngandirege kudya zvinozipa zvavo.
莫讓我的心傾向邪道,免得我再去犯罪作惡;莫讓我與惡人同作壞事,免得我嚐食他們的美味。
5 Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi; ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu. Musoro wangu hauzorambi izvozvo. Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose.
義人責打我,算是我的恩遇,他責斥我,是給我頭的傅油。我的頭也決不會加以抗拒,我仍然為迫害我的人祈求。
6 Vatongi vavo vachakandwa kumawere, uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo.
當他們的首領被拋於巖石時,纔感覺到我的話是如何甘飴。
7 Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi, saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.” (Sheol h7585)
他們的骨頭被棄置在陰府門旁,像人耕地掘田,將土塊任意拋放。 (Sheol h7585)
8 Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha; ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu.
上主天主,我的雙目一直仰望你,我信賴你,不要將我的靈魂拋棄。
9 Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo, napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa.
求你保護我免陷於他們為我設的網羅,求你使我能夠脫離為非作歹者的圈套。
10 Vakaipa ngavawire mumimbure yavo, ini ndichipfuura napo norugare.
願惡人一起墮入自設的網羅,而我卻得以安然無恙地脫逃。

< Mapisarema 141 >