< Mapisarema 140 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba.
Wuta na buku ya mokambi ya bayembi. Nzembo ya Davidi. Yawe, kangola ngai wuta na maboko ya bato ya misala mabe! Kokutanisa ngai te na bato na kanza.
2 Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo, uye vanomutsa hondo mazuva ose.
Basalaka mabongisi mabe kati na mitema na bango mpe balukaka bitumba mikolo nyonso.
3 Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka; uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo. Sera
Bapelisaka lolemo na bango lokola nyoka, bibebu na bango ezali na ngenge ya etupa.
4 Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba vanoronga kupinga tsoka dzangu.
Yawe, batela ngai mosika ya maboko ya moto mabe; kokutanisa ngai te na bato na kanza oyo bazali kosala mabongisi ya kokweyisa ngai!
5 Vanhu vanozvikudza vakandivanzira misungo; vakatambanudza mabote emimbure yavo uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo. Sera
Bato ya lofundu batieli ngai mitambo, batandi basinga ya minyama na nzela mpe batimoli mabulu mpo na kokanga ngai.
6 Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.” Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.
Nalobaka na Yawe: « Ozali Nzambe na ngai! » Yawe, yoka mabondeli na ngai.
7 Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba, anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,
Oh Yawe, Nkolo na ngai, ozali makasi ya lobiko na ngai, obatelaka moto na ngai kati na mokolo ya etumba.
8 regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha; musarega urongwa hwavo huchibudirira, kuti varege kuzvikudza. Sera
Yawe, kokokisa te posa ya moto mabe, kolongisa te mabongisi na ye, noki te akokoma lolendo.
9 Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.
Tika ete pasi oyo bibebu na bango esili kobongisa ekweyela bato oyo bazingeli ngai.
10 Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve.
Tika ete makala ya moto esopanela bango! Tika ete Nzambe atindika bango kati na moto, kati na mabulu ya potopoto epai wapi bakokoka kotelema lisusu te!
11 Vane makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita zvinhu nechisimba.
Batioli bakowumela te kati na mokili, pasi ekolanda bato na kanza na kolemba te.
12 Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.
Nayebi ete Yawe akotaka makambo ya babola mpe alongisaka bato oyo bakelela.
13 Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu, uye vakarurama vachagara pamberi penyu.
Solo, bato ya sembo bakosanzola Kombo na Yo, bato ya alima bakovanda liboso na Yo.