< Mapisarema 140 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba.
To the chief music-maker. A Psalm. Of David. O Lord, take me out of the power of the evil man; keep me safe from the violent man:
2 Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo, uye vanomutsa hondo mazuva ose.
For their hearts are full of evil designs; and they are ever making ready causes of war.
3 Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka; uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo. Sera
Their tongues are sharp like the tongue of a snake; the poison of snakes is under their lips. (Selah)
4 Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba vanoronga kupinga tsoka dzangu.
O Lord, take me out of the hands of sinners; keep me safe from the violent man: for they are designing my downfall.
5 Vanhu vanozvikudza vakandivanzira misungo; vakatambanudza mabote emimbure yavo uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo. Sera
The men of pride have put secret cords for my feet; stretching nets in my way, so that they may take me with their tricks. (Selah)
6 Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.” Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.
I have said to the Lord, You are my God: give ear, O Lord, to the voice of my prayer.
7 Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba, anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,
O Lord God, the strength of my salvation, you have been a cover over my head in the day of the fight.
8 regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha; musarega urongwa hwavo huchibudirira, kuti varege kuzvikudza. Sera
O Lord, give not the wrongdoer his desire; give him no help in his evil designs, or he may be uplifted in pride. (Selah)
9 Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.
As for those who come round me, let their heads be covered by the evil of their lips.
10 Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve.
Let burning flames come down on them: let them be put into the fire, and into deep waters, so that they may not get up again.
11 Vane makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita zvinhu nechisimba.
Let not a man of evil tongue be safe on earth: let destruction overtake the violent man with blow on blow.
12 Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.
I am certain that the Lord will take care of the cause of the poor, and of the rights of those who are troubled.
13 Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu, uye vakarurama vachagara pamberi penyu.
Truly, the upright will give praise to your name: the holy will have a place in your house.