< Mapisarema 139 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva.
Ee Yahwe, wewe umenichunguza, na unanijua.
2 Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.
Wewe unajua nikaapo na niinukapo; unayajua mawazo yangu tokea mbali sana.
3 Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.
Unachunguza wenendo wangu na kulala kwangu; unazijua njia zangu zote.
4 Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.
Kabla hakujawa na neno kwenye ulimi wangu, wewe unalijua kabisa, Yahwe.
5 Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
Nyuma yangu na mbele yangu unanizunguka na kuniwekea mkono wako.
6 Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.
Maarifa hayo ni mengi yananizidi mimi; yako juu sana, nami siwezi kuyafikia.
7 Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu?
Niende wapi mbali na roho yako? Niende wapi niukimbie uwepo wako?
8 Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. (Sheol h7585)
Kama nikipaa mbinguni, uko huko; kama nikifanya kitanda changu Kuzimuni, tazama, uko huko. (Sheol h7585)
9 Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,
Kama nikipaa kwa mbawa za asubuhi na kwenda kuishi pande za mwisho wa bahari,
10 kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.
hata huko mkono wako utaniongoza, mkono wako wa kuume utanishika.
11 Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”
Kama nikisema, “Hakika giza litanifunika, na nuru inizungukayo itakuwa usiku,”
12 kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri.
Hata giza lisingweza kuwa giza kwako. Usiku ungeng'aa kama mchana, maana giza na nuru kwako vinafanana.
13 Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
Wewe uliumba sehemu zangu za ndani; uliniumba tumboni mwa mama yangu.
14 Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.
Nitakusifu, kwa maana nimeumbwa kwa jinsi ya ajabu. Nafsi yangu yalijua hili vizuri sana.
15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
Mifupa yangu haikusitirika kwako nilipoumbwa kwa siri, nilipoumbwa kwa ustadi pande za chini za nchi.
16 meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.
Uliniona ndani ya tumbo; siku zote zilizo pangwa kwangu ziliandikwa kitabuni mwako hata kabla ya siku ya kwanza kutokea.
17 Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
Ni jinsi gani mawazo yako ni ya thamani kwangu, Mungu! Njinsi ilivyo kubwa jumla zake!
18 Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.
Kama nikijaribu kuyahesabu ni mengi kuliko mchanga. Niamkapo bado niko na wewe.
19 Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!
Ee Mungu, kama ungewaua waovu; ondokeni kwangu enyi watu wenye vurugu.
20 Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa; vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.
Wanakuasi wewe na kutenda udanganyifu; adui zako wananena uongo.
21 Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha, nokusema vaya vanokumukirai?
Je, siwachukii hao, wale wakuchukiao Yahwe? Je, siwadharau wale wanao inuka dhidi yako?
22 Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo; ndinovati vavengi vangu.
Nawachukia kabisa; wamekuwa adui zangu.
23 Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.
Ee Mungu, unichunguze na kuujua moyo wangu; unijaribu na uyajue mawazo yangu.
24 Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.
Uone kama kuna njia ya uovu ndani yangu, na uniongoze katika njia ya milele.

< Mapisarema 139 >