< Mapisarema 139 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva.
Oh Señor, tú me has examinado y me conoces.
2 Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.
Usted tiene conocimiento cuando estoy sentado y cuando me levanto, ve mis pensamientos desde lejos.
3 Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.
Tú vigilas mis pasos y mi sueño, y conoces todos mis caminos.
4 Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.
Porque no hay palabra en mi lengua aun, y tu, Señor ya la conoces.
5 Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
Me has rodeado por todos lados. y me has puesto la mano encima.
6 Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.
Tal conocimiento es una maravilla mayor que mis poderes; es tan alto que no puedo comprenderlo.
7 Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu?
¿A dónde puedo iré de tu espíritu? ¿cómo puedo huir en vuelo de tu presencia?
8 Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. (Sheol h7585)
Si voy al cielo, estás allí; o si hago mi cama en el inframundo, estás allí. (Sheol h7585)
9 Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,
Si tomo las alas de la mañana, y voy a las partes más lejanas del mar;
10 kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.
Aun allí seré guiado por tu mano, y tu diestra me guardará.
11 Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”
Si dijera: Solo déjame estar cubierto por la oscuridad, aun la noche resplandecerá alrededor de mí.
12 kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri.
Incluso la oscuridad no es oscura para ti; la noche es tan brillante como el día: porque la oscuridad y la luz son lo mismo para ti.
13 Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
Mi carne fue hecha por ti, y mis partes se unieron en el cuerpo de mi madre.
14 Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.
Te alabaré, porque estoy extraña y delicadamente formado; tus obras son grandes maravillas, y de esto mi alma está completamente consciente.
15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
Mi cuerpo no fue visto por ti cuando fui hecho en secreto, y extrañamente formado en las partes más bajas de la tierra.
16 meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.
Tus ojos vieron mi sustancia sin forma; en tu libro se registraron todos mis días, incluso aquellos que fueron propuestos antes de que hubieran surgido.
17 Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
¡Cuán queridos son tus pensamientos para mí, oh Dios! ¡Cuán grande es el número de ellos!
18 Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.
Si los número, serían más que granos de arena; cuando estoy despierto, todavía estoy contigo.
19 Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!
Si tan solo pusieras a los pecadores a la muerte, oh Dios; lejos de mí, hombres sanguinarios.
20 Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa; vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.
Porque van contra ti con malos designios, y tus enemigos se burlan de tu nombre.
21 Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha, nokusema vaya vanokumukirai?
¿No aborrezco a tus enemigos, oh Señor? ¿No son los que se levantan contra ti una causa de aflicción para mí?
22 Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo; ndinovati vavengi vangu.
Mi odio por ellos está completo; mis pensamientos sobre ellos son como si estuvieran haciendo guerra contra mí.
23 Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.
Oh Dios, que los secretos de mi corazón sean descubiertos, y que mis pensamientos sean puestos a prueba.
24 Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.
Mira si hay camino de perversidad en mí, y sé mi guía en el camino eterno.

< Mapisarema 139 >