< Mapisarema 135 >

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha,
הללו-יה הללו את-שם יהוה הללו עבדי יהוה
2 imi munoshumira muimba yaJehovha, muvanze dzeimba yaMwari wedu.
שעמדים בבית יהוה-- בחצרות בית אלהינו
3 Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka.
הללו-יה כי-טוב יהוה זמרו לשמו כי נעים
4 Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake, naIsraeri kuti ave pfuma yake.
כי-יעקב בחר לו יה ישראל לסגלתו
5 Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose.
כי אני ידעתי כי-גדול יהוה ואדנינו מכל-אלהים
6 Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.
כל אשר-חפץ יהוה עשה בשמים ובארץ-- בימים וכל-תהמות
7 Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.
מעלה נשאים מקצה הארץ ברקים למטר עשה מוצא-רוח מאוצרותיו
8 Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, matangwe avanhu neemhuka.
שהכה בכורי מצרים-- מאדם עד-בהמה
9 Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako, iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose.
שלח אותת ומפתים--בתוככי מצרים בפרעה ובכל-עבדיו
10 Akaparadza ndudzi dzakawanda uye akauraya madzimambo ane simba,
שהכה גוים רבים והרג מלכים עצומים
11 Sihoni mambo weAmori, Ogi mambo weBhashani namadzimambo ose eKenani,
לסיחון מלך האמרי ולעוג מלך הבשן ולכל ממלכות כנען
12 akapa nyika yavo kuti ive nhaka, nhaka yavanhu vake Israeri.
ונתן ארצם נחלה-- נחלה לישראל עמו
13 Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kuzvizvarwa zvose.
יהוה שמך לעולם יהוה זכרך לדר-ודר
14 Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.
כי-ידין יהוה עמו ועל-עבדיו יתנחם
15 Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.
עצבי הגוים כסף וזהב מעשה ידי אדם
16 Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;
פה-להם ולא ידברו עינים להם ולא יראו
17 nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo.
אזנים להם ולא יאזינו אף אין-יש-רוח בפיהם
18 Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.
כמוהם יהיו עשיהם-- כל אשר-בטח בהם
19 Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha; haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha;
בית ישראל ברכו את-יהוה בית אהרן ברכו את-יהוה
20 Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imi vanomutya, rumbidzai Jehovha.
בית הלוי ברכו את-יהוה יראי יהוה ברכו את-יהוה
21 Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni, iye agere muJerusarema. Rumbidzai Jehovha.
ברוך יהוה מציון-- שכן ירושלם הללו-יה

< Mapisarema 135 >