< Mapisarema 133 >
1 Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!
Cántico gradual: de David. ¡MIRAD cuán bueno y cuán delicioso es habitar los hermanos igualmente en uno!
2 Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.
Es como el buen óleo sobre la cabeza, el cual desciende sobre la barba, la barba de Aarón, [y] que baja hasta el borde de sus vestiduras;
3 Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.
Como el rocío de Hermón, que desciende sobre los montes de Sión: porque allí envía Jehová bendición, y vida eterna.