< Mapisarema 132 >

1 Rwiyo rworwendo. Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi namatambudziko ake ose aakasangana nawo.
Svētku dziesma. Kungs, piemini Dāvidu un visas viņa rūpes.
2 Akapika mhiko kuna Jehovha, akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti,
Tas Tam Kungam zvērējis un solījies Jēkaba varenajam:
3 “Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha wangu,
Es neiešu sava nama dzīvoklī, es nekāpšu savas gultas cisās;
4 handingatenderi hope mumaziso angu, kana kutsumwaira mumeso angu,
Es nedošu savām acīm miegu redzēt nedz snaust saviem acu vākiem;
5 kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha, nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”
Līdz kamēr būšu atradis vietu Tam Kungam un mitekli Jēkaba varenajam.
6 Takazvinzwa muEfurata, takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,
Redzi, mēs par to esam dzirdējuši Efratā, mēs to esam atraduši Jaāra laukos.
7 “Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara; ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,
Iesim Viņa mājas vietā un pielūgsim priekš Viņa kāju pamesla.
8 haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu.
Celies, Kungs, uz Savu dusas vietu, Tu un Tavas spēcības šķirsts;
9 Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama; dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”
Lai Tavi priesteri apģērbjās ar taisnību, un Tavi svētie lai gavilē.
10 Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu, musaramba muzodziwa wenyu.
Neatmet Sava svaidītā vaigu, Sava kalpa Dāvida dēļ.
11 Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi, mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti, “Mumwe wechizvarwa chako ndichamugadza pachigaro chako choushe,
Tas Kungs Dāvidam tiešām ir zvērējis, no tā Viņš nenovērsīsies: No tavas miesas augļiem būs, ko celšu uz tavu godības krēslu.
12 kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu nezvandakatema zvandakavadzidzisa, ipapo vanakomana vavo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”
Ja tavi bērni turēs Manu derību un Manu liecību, ko Es tiem mācīšu, tad arī viņu bērni sēdēs uz tava godības krēsla mūžīgi.
13 Nokuti Jehovha akasarudza Zioni, akarida kuti huve ugaro hwake achiti,
Jo Tas Kungs Ciānu ir izredzējis, tur Viņam gribās dzīvot.
14 “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri; ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,
Šī ir Mana dusas vieta mūžīgi, šeit Es dzīvošu, jo tās Man gribās.
15 ndichariropafadza nezvakawanda; ndichagutsa varombo varo nezvokudya.
Svētīdams Es svētīšu viņas barību un paēdināšu viņas nabagus ar maizi,
16 Ndichafukidza vaprista varo noruponeso, uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.
Un apģērbšu viņas priesterus ar pestīšanu, un viņas svētie gavilēt gavilēs.
17 “Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi, uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu.
Tur Es Dāvidam uzcelšu ragu, došu spīdekli Savam svaidītam.
18 Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi, asi korona yake ichabwinya kwazvo.”
Viņa ienaidniekus Es apģērbšu ar kaunu, bet viņam ziedēs viņa kronis.

< Mapisarema 132 >