< Mapisarema 131 >

1 Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa.
שיר המעלות לדוד יהוה לא גבה לבי ולא רמו עיני ולא הלכתי בגדלות ובנפלאות ממני׃
2 Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.
אם לא שויתי ודוממתי נפשי כגמל עלי אמו כגמל עלי נפשי׃
3 Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha, kubva zvino nokusingaperi.
יחל ישראל אל יהוה מעתה ועד עולם׃

< Mapisarema 131 >