< Mapisarema 130 >
1 Rwiyo rworwendo. Ndinodanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika;
A song of ascents. Out of the depths I cry to you, Yahweh.
2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.
Lord, hear my voice; let your ears be attentive to my pleas for mercy.
3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira?
If you, Yahweh, would mark iniquities, Lord, who could stand?
4 Asi kwamuri kune kukanganwira; naizvozvo imi munotyiwa.
But there is forgiveness with you, that you may be revered.
5 Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira, uye tariro yangu iri mushoko rake.
I wait for Yahweh, my soul waits, and in his word I hope.
6 Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani.
My soul waits for the Lord more than watchmen wait for the morning.
7 Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere.
Israel, hope in Yahweh. Yahweh is merciful, and he is very willing to forgive.
8 Iye pachake achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose.
It is he who will redeem Israel from all his sins.