< Mapisarema 13 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?
Kwa mwimbishaji. Zaburi ya Daudi. Mpaka lini, Ee Bwana? Je, utanisahau milele? Utanificha uso wako mpaka lini?
2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?
Nitapambana na mawazo yangu mpaka lini, na kila siku kuwa na majonzi moyoni mwangu? Adui zangu watanishinda mpaka lini?
3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;
Nitazame, unijibu, Ee Bwana Mungu wangu. Yatie nuru macho yangu, ama sivyo nitalala usingizi wa mauti.
4 muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.
Adui yangu atasema, “Nimemshinda,” nao adui zangu watashangilia nitakapoanguka.
5 Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.
Lakini ninategemea upendo wako usiokoma; moyo wangu unashangilia katika wokovu wako.
6 Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandinakira.
Nitamwimbia Bwana, kwa kuwa amekuwa mwema kwangu.

< Mapisarema 13 >