< Mapisarema 13 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?
For the choirmaster. A Psalm of David. How long, O LORD? Will You forget me forever? How long will You hide Your face from me?
2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?
How long must I wrestle in my soul, with sorrow in my heart each day? How long will my enemy dominate me?
3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;
Consider me and respond, O LORD my God. Give light to my eyes, lest I sleep in death,
4 muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.
lest my enemy say, “I have overcome him,” and my foes rejoice when I fall.
5 Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.
But I have trusted in Your loving devotion; my heart will rejoice in Your salvation.
6 Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandinakira.
I will sing to the LORD, for He has been good to me.

< Mapisarema 13 >