< Mapisarema 128 >

1 Rwiyo rworwendo. Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.
上行之诗。 凡敬畏耶和华、 遵行他道的人便为有福!
2 Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.
你要吃劳碌得来的; 你要享福,事情顺利。
3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.
你妻子在你的内室,好像多结果子的葡萄树; 你儿女围绕你的桌子,好像橄榄栽子。
4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.
看哪,敬畏耶和华的人必要这样蒙福!
5 Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; muone henyu kubudirira kweJerusarema,
愿耶和华从锡安赐福给你! 愿你一生一世看见耶路撒冷的好处!
6 uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.
愿你看见你儿女的儿女! 愿平安归于以色列!

< Mapisarema 128 >