< Mapisarema 127 >
1 Rwiyo rworwendo rwaSoromoni. Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina. Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina.
Uba iNkosi ingayakhi indlu, basebenzela ize kiyo abayakhayo. Uba iNkosi ingawulondolozi umuzi, umlindi ulindela ize.
2 Hazvina maturo kumuka mangwanani nokunonoka kuvata, uchitambudzikira zvokudya, nokuti anopa hope kuna vaanoda.
Kuyize kini ukuthi livuke ngovivi, lihlale kuze kube sebusuku, lidle ukudla kosizi; ngokunjalo iyamnika ubuthongo othandiweyo wayo.
3 Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari.
Khangela, abantwana bayilifa leNkosi, isithelo sesizalo singumvuzo.
4 Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.
Njengemitshoko esandleni seqhawe, banjalo abantwana bobutsha.
5 Akaropafadzwa murume ane goba rizere navo. Havanganyadziswi pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.
Ibusisiwe indoda egcwalise umxhaka wayo ngabo; kabayikuyangeka ngoba bazakhuluma lezitha esangweni.