< Mapisarema 126 >

1 Rwiyo rworwendo. Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota.
שיר המעלות בשוב יהוה את-שיבת ציון-- היינו כחלמים
2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”
אז ימלא שחוק פינו-- ולשוננו רנה אז יאמרו בגוים-- הגדיל יהוה לעשות עם-אלה
3 Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro.
הגדיל יהוה לעשות עמנו-- היינו שמחים
4 Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi.
שובה יהוה את-שבותנו (שביתנו)-- כאפיקים בנגב
5 Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro.
הזרעים בדמעה-- ברנה יקצרו
6 Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote.
הלוך ילך ובכה-- נשא משך-הזרע בא-יבא ברנה-- נשא אלמתיו

< Mapisarema 126 >