< Mapisarema 126 >
1 Rwiyo rworwendo. Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota.
Nyimbo yoyimba pokwera ku Yerusalemu. Yehova atabwezera akapolo ku Ziyoni, tinali ngati amene akulota.
2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”
Pakamwa pathu panadzaza ndi kuseka; malilime athu ndi nyimbo zachimwemwe. Pamenepo kunanenedwa pakati pa anthu kuti, “Yehova wawachitira zinthu zazikulu.”
3 Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro.
Yehova watichitira zinthu zazikulu, ndipo tadzazidwa ndi chimwemwe.
4 Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi.
Tibwezereni madalitso athu, Inu Yehova, monga mitsinje ya ku Negevi.
5 Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro.
Iwo amene amafesa akulira, adzakolola akuyimba nyimbo zachimwemwe.
6 Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote.
Iye amene amayendayenda nalira, atanyamula mbewu yokafesa, adzabwerera akuyimba nyimbo zachimwemwe, atanyamula mitolo yake.