< Mapisarema 125 >

1 Rwiyo rworwendo. Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.
Wale wamwaminio Yahwe ni kama mlima Sayuni, hautikisiki, wadumu milele.
2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi.
Kama milima inavyo izunguka Yerusalemu, hivyo ndivyo Yahwe anavyo wazunguka watu wake sasa na hata milele.
3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira maoko avo kuita zvakaipa.
Fimbo ya uovu haitatawala katika nchi ya wenye haki. Vinginevyo wenye haki wanaweza kukosea.
4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, kuna avo vane mwoyo yakarurama.
Ee Yahwe, utende wema kwa wale walio wema na wale walio wanyoofu mioyoni mwao.
5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa. Rugare ngaruve pana Israeri.
Lakini kwa wale wanaogeukia njia zao za upotovu, Yahwe atawaondoa pamoja na watenda maovu. Amani iwe na Israeli.

< Mapisarema 125 >