< Mapisarema 125 >
1 Rwiyo rworwendo. Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.
Fihirana fiakarana.
2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi.
Tahaka ny tendrombohitra manodidina an’ i Jerosalema No anodidinan’ i Jehovah ny olony Hatramin’ izao ka ho mandrakizay
3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira maoko avo kuita zvakaipa.
Fa tsy hitoetra eo amin’ ny anjaran’ ny marina ny tehim-panjakan’ ny ratsy fanahy, Fandrao ny marina haninjitra ny tànany hanendry zava-dratsy.
4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, kuna avo vane mwoyo yakarurama.
Jehovah ô, manaova soa amin’ ny tsara Sy ny mahitsy fo.
5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa. Rugare ngaruve pana Israeri.
Fa izay mivily ho amin’ ny sakeli-dalana mivilivily Dia horoahin’ i Jehovah miaraka amin’ ny mpanao ratsy anie. Fiadanana anie ho amin’ ny Isiraely.