< Mapisarema 123 >

1 Rwiyo rworwendo. Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga.
A ti alcé mis ojos, el que habitas en los cielos.
2 Sokutarira kunoita meso evaranda kuna vatenzi vavo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni.
He aquí, como los ojos de los siervos miran a la mano de sus señores: como los ojos de la sierva a la mano de su señora, así nuestros ojos miran a Jehová nuestro Dios: hasta que haya misericordia de nosotros.
3 Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda.
Ten misericordia de nosotros: o! Jehová, ten misericordia de nosotros; porque estamos muy hartos de menosprecio.
4 Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza, nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.
Muy harta está nuestra alma del escarnio de los sosegados: del menosprecio de los soberbios.

< Mapisarema 123 >