< Mapisarema 123 >
1 Rwiyo rworwendo. Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga.
Ngiyaphakamisela kuwe amehlo ami, wena ohlezi emazulwini.
2 Sokutarira kunoita meso evaranda kuna vatenzi vavo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni.
Khangela, njengalokhu amehlo ezinceku engasesandleni senkosi yazo, njengamehlo encekukazi engasesandleni senkosikazi yayo, ngokunjalo amehlo ethu angaseNkosini uNkulunkulu wethu, ize ibe lesihawu kithi.
3 Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda.
Woba lesihawu kithi, Nkosi, woba lesihawu kithi, ngoba sigcwele kakhulu yikudelelwa.
4 Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza, nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.
Umphefumulo wethu ugcwele kakhulu yikukloloda kwabonwabileyo, yikudelela kwabazigqajayo.