< Mapisarema 121 >
1 Rwiyo rworwendo. Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko?
Nitayainua macho yangu nitazame milimani. Msaada wangu utatoka wapi?
2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.
Msaada wangu unatoka kwa Yahwe, aliyezifanya mbingu na nchi.
3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;
Hatauacha mguu wako uteleze; yeye akulindaye hatasinzia.
4 zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.
Tazama, mlinzi wa Israeli hatasinzia wala hatalala usingizi kamwe.
5 Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;
Yahwe ni mlinzi wako; Yahwe ni uvuli mkono wako wa kuume.
6 zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku.
Jua halitakudhuru wakati wa mchana, wala mwezi wakati wa usiku.
7 Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako;
Yahwe atakulinda na madhara yote, na ataulinda uhai wako.
8 Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.
Yahwe atakulinda katika yote ufanyayo sasa na hata milele.