< Mapisarema 121 >
1 Rwiyo rworwendo. Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko?
A song of ascents. I will lift up my eyes to the mountains. From where will my help come?
2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.
My help comes from Yahweh, who made heaven and earth.
3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;
He will not allow your foot to slip; he who protects you will not slumber.
4 zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.
See, the guardian of Israel never slumbers or sleeps.
5 Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;
Yahweh is your guardian; Yahweh is the shade at your right hand.
6 zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku.
The sun will not harm you by day, nor the moon by night.
7 Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako;
Yahweh will protect you from all harm, and he will protect your life.
8 Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.
Yahweh will protect you in all you do now and forevermore.