< Mapisarema 12 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu.
למנצח על-השמינית מזמור לדוד ב הושיעה יהוה כי-גמר חסיד כי-פסו אמונים מבני אדם
2 Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.
שוא ידברו--איש את-רעהו שפת חלקות--בלב ולב ידברו
3 Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza
יכרת יהוה כל-שפתי חלקות-- לשון מדברת גדלות
4 ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”
אשר אמרו ללשננו נגביר--שפתינו אתנו מי אדון לנו
5 “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”
משד עניים מאנקת אביונים עתה אקום יאמר יהוה אשית בישע יפיח לו
6 Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe.
אמרות יהוה אמרות טהרות כסף צרוף בעליל לארץ מזקק שבעתים
7 Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.
אתה-יהוה תשמרם תצרנו מן-הדור זו לעולם
8 Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.
סביב רשעים יתהלכון כרם זלות לבני אדם

< Mapisarema 12 >