< Mapisarema 119 >

1 Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha.
Heri wale walio waadilifu katika njia zao, wanaoenenda katika sheria ya Bwana.
2 Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.
Heri wale wanaozishika shuhuda zake, wamtafutao kwa moyo wao wote.
3 Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake.
Wasiofanya lolote lililo baya, wanaoenenda katika njia zake.
4 Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa.
Umetoa maagizo yako ili tuyatii kwa ukamilifu.
5 Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu!
Laiti mwenendo wangu ungekuwa imara katika kuyatii maagizo yako!
6 Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu.
Hivyo mimi sitaaibishwa ninapozingatia amri zako zote.
7 Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama.
Nitakusifu kwa moyo mnyofu ninapojifunza sheria zako za haki.
8 Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose.
Nitayatii maagizo yako; usiniache kabisa.
9 Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.
Kijana aifanye njia yake kuwa safi jinsi gani? Ni kwa kutii, akilifuata neno lako.
10 Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose; musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.
Ninakutafuta kwa moyo wangu wote, usiniache niende mbali na amri zako.
11 Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.
Nimelificha neno lako moyoni mwangu ili nisikutende dhambi.
12 Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; ndidzidzisei mitemo yenyu.
Sifa ni zako, Ee Bwana, nifundishe maagizo yako.
13 Nemiromo yangu ndichataurazve mirayiro yose inobva pamuromo wenyu.
Kwa midomo yangu nitasimulia sheria zote zinazotoka katika kinywa chako.
14 Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu, somunhu anofarira pfuma huru.
Ninafurahia kufuata sheria zako kama mtu afurahiaye mali nyingi.
15 Ndinofungisisa zvirevo zvenyu, uye ndinorangarira nzira dzenyu.
Ninatafakari maagizo yako na kuziangalia njia zako.
16 Ndinofarira mitemo yenyu; handingakanganwi shoko renyu.
Ninafurahia maagizo yako, wala sitalipuuza neno lako.
17 Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu.
Mtendee mema mtumishi wako, nami nitaishi; nitalitii neno lako.
18 Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.
Yafungue macho yangu nipate kuona mambo ya ajabu katika sheria yako.
19 Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu.
Mimi ni mgeni duniani, usinifiche amri zako.
20 Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose.
Nafsi yangu inataabika kwa shauku kubwa juu ya sheria zako wakati wote.
21 Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu.
Unawakemea wenye majivuno, waliolaaniwa waendao mbali na amri zako.
22 Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu.
Niondolee dharau na dhihaka, kwa kuwa ninazishika sheria zako.
23 Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu.
Ingawa watawala huketi pamoja na kunisingizia, mtumishi wako atatafakari juu ya maagizo yako.
24 Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano.
Sheria zako ni furaha yangu, nazo ni washauri wangu.
25 Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.
Nimelazwa chini mavumbini, yahifadhi maisha yangu sawasawa na neno lako.
26 Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu.
Nilikueleza njia zangu ukanijibu, nifundishe sheria zako.
27 Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.
Nijulishe mafundisho ya mausia yako, nami nitatafakari maajabu yako.
28 Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.
Nafsi yangu imechakazwa kwa huzuni, uniimarishe sawasawa na neno lako.
29 Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.
Niepushe na njia za udanganyifu, kwa neema unifundishe sheria zako.
30 Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.
Nimechagua njia ya kweli, nimekaza moyo wangu katika sheria zako.
31 Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.
Nimengʼangʼania sheria zako, Ee Bwana, usiniache niaibishwe.
32 Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.
Nakimbilia katika njia ya maagizo yako, kwa kuwa umeuweka moyo wangu huru.
33 Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo.
Ee Bwana, nifundishe kuyafuata maagizo yako, nami nitayashika mpaka mwisho.
34 Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.
Nipe ufahamu, nami nitaishika sheria yako na kuitii kwa moyo wangu wote.
35 Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro.
Niongoze kwenye njia ya amri zako, kwa kuwa huko napata furaha.
36 Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama.
Ugeuze moyo wangu kuelekea sheria zako, na siyo kwenye mambo ya ubinafsi.
37 Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.
Geuza macho yangu kutoka kwenye mambo yasiyofaa, uyahifadhi maisha yangu sawasawa na neno lako.
38 Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa.
Mtimizie mtumishi wako ahadi yako, ili upate kuogopwa.
39 Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka.
Niondolee aibu ninayoiogopa, kwa kuwa sheria zako ni njema.
40 Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.
Tazama jinsi ninavyoonea shauku mausia yako! Hifadhi maisha yangu katika haki yako.
41 Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa;
Ee Bwana, upendo wako usiokoma unijie, wokovu wako sawasawa na ahadi yako,
42 ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu.
ndipo nitakapomjibu anayenidhihaki, kwa kuwa ninalitumainia neno lako.
43 Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu.
Usilinyakue neno la kweli kutoka kinywani mwangu, kwa kuwa nimeweka tumaini langu katika amri zako.
44 Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri.
Nitaitii amri yako daima, naam, milele na milele.
45 Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
Nitatembea nikiwa huru, kwa kuwa nimejifunza mausia yako.
46 Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi,
Nitasema sheria zako mbele za wafalme wala sitaaibishwa,
47 nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida.
kwa kuwa ninazifurahia amri zako kwa sababu ninazipenda.
48 Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.
Ninaziinulia amri zako ambazo ninazipenda mikono yangu, nami ninatafakari juu ya maagizo yako.
49 Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro.
Kumbuka neno lako kwa mtumishi wako, kwa sababu umenipa tumaini.
50 Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.
Faraja yangu katika mateso yangu ni hii: Ahadi yako inahifadhi maisha yangu.
51 Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu.
Wenye majivuno wamenisimanga bila kuchoka, hata hivyo sitaiacha sheria yako.
52 Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi.
Ee Bwana, ninazikumbuka sheria zako za zamani, nazo zinanifariji.
53 Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu.
Nimeshikwa sana na ghadhabu kwa ajili ya waovu, ambao wameacha sheria yako.
54 Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara.
Maagizo yako ni kiini cha nyimbo zangu popote ninapoishi.
55 Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu.
Ee Bwana, wakati wa usiku ninalikumbuka jina lako, nami nitatii sheria yako.
56 Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu.
Hili limekuwa zoezi langu: nami ninayatii mausia yako.
57 Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu.
Ee Bwana, wewe ni fungu langu, nimeahidi kuyatii maneno yako.
58 Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa.
Nimetafuta uso wako kwa moyo wangu wote, nihurumie sawasawa na ahadi yako.
59 Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema.
Nimezifikiri njia zangu na nimeelekeza hatua zangu katika mausia yako.
60 Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu.
Nitafanya haraka bila kuchelewa kuzitii amri zako.
61 Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu.
Hata waovu wanifunge kwa kamba, sitasahau sheria yako.
62 Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
Usiku wa manane ninaamka kukushukuru kwa sababu ya sheria zako za haki.
63 Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.
Mimi ni rafiki kwa wale wote wakuchao, kwa wote wanaofuata mausia yako.
64 Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu.
Ee Bwana, dunia imejaa upendo wako, nifundishe maagizo yako.
65 Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.
Mtendee wema mtumishi wako Ee Bwana, sawasawa na neno lako.
66 Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.
Nifundishe maarifa na uamuzi mzuri, kwa kuwa ninaamini amri zako.
67 Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.
Kabla sijapata shida nilipotea njia, lakini sasa ninalitii neno lako.
68 Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.
Wewe ni mwema, unalotenda ni jema, nifundishe maagizo yako.
69 Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.
Ingawa wenye majivuno wamenisingizia uongo, nitafuata mausia yako kwa moyo wangu wote.
70 Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu.
Mioyo yao ni katili na migumu, bali mimi napendezwa na sheria yako.
71 Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.
Ilikuwa vyema mimi kupata shida ili nipate kujifunza maagizo yako.
72 Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.
Sheria inayotoka kinywani mwako ina thamani kubwa kwangu kuliko maelfu ya vipande vya fedha na dhahabu.
73 Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.
Mikono yako ilinifanya na kuniumba, nipe ufahamu niweze kujifunza amri zako.
74 Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Wakuchao wafurahie wanaponiona, kwa kuwa nimeweka tumaini langu katika neno lako.
75 Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.
Ee Bwana, ninajua kwamba sheria zako ni za haki, katika uaminifu wako umeniadhibu.
76 Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.
Upendo wako usiokoma uwe faraja yangu, sawasawa na ahadi yako kwa mtumishi wako.
77 Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
Huruma yako na inijie ili nipate kuishi, kwa kuwa naifurahia sheria yako.
78 Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
Wenye majivuno na waaibishwe kwa kunikosea mimi bila sababu, lakini mimi nitatafakari juu ya mausia yako.
79 Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema.
Wale wakuchao na wanigeukie mimi, hao ambao wanazielewa sheria zako.
80 Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.
Moyo wangu usiwe na lawama katika kutii maagizo yako, ili nisiaibishwe.
81 Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Nafsi yangu inazimia kwa kutamani wokovu wako, lakini nimeweka tumaini langu katika neno lako.
82 Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”
Macho yangu yamefifia, nikingoja ahadi yako; ninasema, “Utanifajiri lini?”
83 Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.
Ingawa nimekuwa kama kiriba kwenye moshi, bado sijasahau maagizo yako.
84 Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?
Mtumishi wako itampasa angoje mpaka lini? Ni lini utawaadhibu washtaki wangu?
85 Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.
Wenye majivuno wananichimbia mashimo, kinyume na sheria yako.
86 Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.
Amri zako zote ni za kuaminika; unisaidie, kwa sababu watu wananishtaki bila sababu.
87 Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema.
Walikaribia kabisa kunifuta kutoka uso wa dunia, lakini sijaacha mausia yako.
88 Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.
Yahifadhi maisha yangu sawasawa na upendo wako, nami nitatii sheria za kinywa chako.
89 Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga.
Ee Bwana, neno lako ni la milele, linasimama imara mbinguni.
90 Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.
Uaminifu wako unaendelea kwa vizazi vyote, umeiumba dunia, nayo inadumu.
91 Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai.
Sheria zako zinadumu hadi leo, kwa kuwa vitu vyote vinakutumikia.
92 Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu.
Kama nisingefurahia sheria yako, ningeangamia katika taabu zangu.
93 Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.
Sitasahau mausia yako kamwe, kwa maana kwayo umehifadhi maisha yangu.
94 Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.
Uniokoe, kwa maana mimi ni wako, kwa kuwa nimetafuta mausia yako.
95 Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.
Waovu wanangojea kuniangamiza, bali mimi ninatafakari sheria zako.
96 Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.
Katika ukamilifu wote ninaona mna kikomo, lakini amri zako hazina mpaka.
97 Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.
Aha! Tazama, sheria yako naipenda mno ajabu. Ninaitafakari mchana kutwa.
98 Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.
Amri zako zimenipa hekima zaidi kuliko adui zangu, kwa kuwa nimezishika daima.
99 Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.
Nina akili zaidi kuliko walimu wangu wote, kwa kuwa ninatafakari juu ya sheria zako.
100 Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.
Nina ufahamu zaidi kuliko wazee, kwa kuwa ninayatii mausia yako.
101 Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.
Nimezuia miguu yangu isiende kwenye kila njia mbaya, ili niweze kutii neno lako.
102 Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.
Sijaziacha sheria zako, kwa kuwa umenifundisha wewe mwenyewe.
103 Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!
Tazama jinsi maneno yako yalivyo matamu kwangu, matamu kuliko asali katika kinywa changu!
104 Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
Ninapata ufahamu kutoka mausia yako, kwa hiyo ninachukia kila njia ya upotovu.
105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
Neno lako ni taa ya miguu yangu na mwanga katika njia yangu.
106 Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.
Nimeapa na nimethibitisha, kwamba nitafuata sheria zako za haki.
107 Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.
Nimeteseka sana, uhifadhi maisha yangu, Ee Bwana, sawasawa na neno lako.
108 Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.
Ee Bwana, pokea sifa za hiari za kinywa changu, nifundishe sheria zako.
109 Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.
Ingawa maisha yangu yako hatarini siku zote, sitasahau sheria yako.
110 Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.
Waovu wamenitegea mtego, lakini sijayakiuka maagizo yako.
111 Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.
Sheria zako ni urithi wangu milele, naam ni furaha ya moyo wangu.
112 Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.
Nimekusudia moyoni mwangu kuyafuata maagizo yako mpaka mwisho.
113 Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.
Ninachukia watu wa nia mbili, lakini ninapenda sheria yako.
114 Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Wewe ni kimbilio langu na ngao yangu, nimeweka tumaini langu katika neno lako.
115 Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!
Ondokeni kwangu, ninyi mtendao mabaya, ili niweze kushika amri za Mungu wangu!
116 Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa.
Nihifadhi sawasawa na ahadi yako, nami nitaishi; usiache matumaini yangu yakavunjwa.
117 Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu.
Nitegemeze, nami nitaokolewa, nami daima nitayaheshimu maagizo yako.
118 Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.
Unawakataa wote wanaoyaasi maagizo yako, kwa maana udanganyifu wao ni bure.
119 Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema.
Waovu wa nchi unawatupa kama takataka, kwa hivyo nazipenda sheria zako.
120 Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu.
Mwili wangu unatetemeka kwa kukuogopa wewe, ninaziogopa sheria zako.
121 Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu.
Nimetenda yaliyo haki na sawa, usiniache mikononi mwa watesi wangu.
122 Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira.
Mhakikishie mtumishi wako usalama, usiache wenye kiburi wanionee.
123 Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.
Macho yangu yamefifia, yakitazamia wokovu wako, na kuitazamia ahadi yako ya kweli.
124 Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
Mfanyie mtumishi wako kulingana na upendo wako na unifundishe maagizo yako.
125 Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.
Mimi ni mtumishi wako; nipe ufahamu ili niweze kuelewa sheria zako.
126 Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa.
Ee Bwana, wakati wako wa kutenda umewadia, kwa kuwa sheria yako inavunjwa.
127 Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa,
Kwa sababu nazipenda amri zako zaidi ya dhahabu, naam, zaidi ya dhahabu safi,
128 uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
na kwa sababu naona maagizo yako yote ni adili, nachukia kila njia potovu.
129 Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera.
Sheria zako ni za ajabu, hivyo ninazitii.
130 Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.
Kuingia kwa maneno yako kunaleta nuru, kunampa mjinga ufahamu.
131 Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu.
Nimefungua kinywa changu na kuhema, nikitamani amri zako.
132 Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.
Nigeukie na unihurumie, kama uwafanyiavyo siku zote wale wanaolipenda jina lako.
133 Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga.
Ongoza hatua zangu kulingana na neno lako, usiache dhambi yoyote initawale.
134 Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu.
Niokoe na uonevu wa wanadamu, ili niweze kutii mausia yako.
135 Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
Mwangazie mtumishi wako uso wako na unifundishe amri zako.
136 Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.
Chemchemi za machozi zinatiririka kutoka machoni yangu, kwa kuwa sheria yako haifuatwi.
137 Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama.
Ee Bwana, wewe ni mwenye haki, sheria zako ni sahihi.
138 Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo.
Sheria ulizoziweka ni za haki, ni za kuaminika kikamilifu.
139 Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.
Jitihada yangu imenidhoofisha, kwa kuwa adui zangu wanayapuuza maneno yako.
140 Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida.
Ahadi zako zimejaribiwa kikamilifu, mtumishi wako anazipenda.
141 Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu.
Ingawa ni mdogo na ninadharauliwa, sisahau mausia yako.
142 Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.
Haki yako ni ya milele, na sheria yako ni kweli.
143 Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu.
Shida na dhiki zimenipata, lakini amri zako ni furaha yangu.
144 Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.
Sheria zako ni sahihi milele, hunipa ufahamu ili nipate kuishi.
145 Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu.
Ee Bwana, ninakuita kwa moyo wangu wote, nami nitayatii maagizo yako.
146 Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.
Ninakuita; niokoe nami nitazishika sheria zako.
147 Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Ninaamka asubuhi na mapema na kukuomba msaada; nimeweka tumaini langu katika neno lako.
148 Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.
Sikufumba macho yangu usiku kucha, ili niweze kutafakari juu ya ahadi zako.
149 Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.
Usikie sauti yangu sawasawa na upendo wako, Ee Bwana, uyahifadhi maisha yangu, sawasawa na sheria zako.
150 Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu.
Wale wanaopanga mipango miovu wako karibu nami, lakini wako mbali na sheria yako.
151 Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.
Ee Bwana, hata hivyo wewe u karibu, na amri zako zote ni za kweli.
152 Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.
Tangu zamani nimejifunza kutoka shuhuda zako kwamba umezithibitisha ili zidumu milele.
153 Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.
Yaangalie mateso yangu, uniokoe, kwa kuwa sijasahau sheria yako.
154 Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.
Nitetee katika hali hii yangu na unikomboe, uyahifadhi maisha yangu sawasawa na ahadi yako.
155 Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu.
Wokovu uko mbali na waovu, kwa kuwa hawatafuti maagizo yako.
156 Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu.
Ee Bwana, huruma zako ni kuu, uyahifadhi maisha yangu sawasawa na sheria zako.
157 Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema.
Adui wanaonitesa ni wengi, lakini mimi sitaziacha sheria zako.
158 Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu.
Ninawatazama wasioamini kwa chuki, kwa kuwa hawalitii neno lako.
159 Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu.
Tazama jinsi ninavyopenda mausia yako; Ee Bwana, uyahifadhi maisha yangu, sawasawa na upendo wako.
160 Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi.
Maneno yako yote ni kweli, sheria zako zote za haki ni za milele.
161 Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu.
Watawala wamenitesa bila sababu, lakini moyo wangu unatetemeka kwa neno lako.
162 Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji.
Nafurahia ahadi zako kama mtu aliyepata mateka mengi.
163 Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu.
Ninachukia na kuchukizwa sana na uongo, lakini napenda sheria yako.
164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
Ninakusifu mara saba kwa siku, kwa ajili ya sheria zako za haki.
165 Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa.
Wanaopenda sheria yako wana amani tele, wala hakuna kitu kinachoweza kuwakwaza.
166 Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu.
Ee Bwana, ninangojea wokovu wako, nami ninafuata amri zako,
167 Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru.
Ninazitii sheria zako, kwa sababu ninazipenda mno.
168 Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi.
Nimetii mausia yako na sheria zako, kwa kuwa njia zangu zote zinajulikana kwako.
169 Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu.
Ee Bwana, kilio changu na kifike mbele zako, nipe ufahamu sawasawa na neno lako.
170 Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu.
Maombi yangu na yafike mbele zako, niokoe sawasawa na ahadi yako.
171 Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
Midomo yangu na ibubujike sifa, kwa kuwa unanifundisha maagizo yako.
172 Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama.
Ulimi wangu na uimbe kuhusu neno lako, kwa kuwa amri zako zote ni za haki.
173 Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu.
Mkono wako uwe tayari kunisaidia, kwa kuwa nimechagua mausia yako.
174 Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
Ee Bwana, ninatamani wokovu wako, na sheria yako ni furaha yangu.
175 Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira.
Nijalie kuishi ili nipate kukusifu, na sheria zako zinitegemeze.
176 Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.
Nimetangatanga kama kondoo aliyepotea. Mtafute mtumishi wako, kwa kuwa sijasahau amri zako.

< Mapisarema 119 >