< Mapisarema 119 >
1 Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha.
ALÈPH. A la beni se (sila) ak chemen ki san fot yo, ki mache nan lalwa SENYÈ a.
2 Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.
A la beni se (sila) ki kenbe temwayaj Li yo, Ki chache Li ak tout kè yo.
3 Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake.
Ki pa fè okenn inikite. Yo mache nan chemen Li yo.
4 Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa.
Ou te òdone règleman Ou yo, pou nou ta kenbe yo ak dilijans.
5 Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu!
O ke chemen mwen yo kapab vin etabli pou kenbe règleman Ou yo!
6 Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu.
Konsa, mwen p ap vin desi lè m gade kòmandman Ou yo.
7 Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama.
Mwen va bay Ou remèsiman avèk yon kè ki dwat, lè mwen aprann jijman dwat Ou yo.
8 Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose.
Mwen va kenbe règleman Ou yo. Pa abandone m nèt! BETH
9 Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.
Kijan yon jennonm kapab kenbe wout li yo san fot? Nan kenbe li selon pawòl Ou.
10 Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose; musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.
Ak tout kè mwen, mwen te chache Ou. Pa kite mwen vin egare e kite lòd Ou yo.
11 Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.
Pawòl Ou yo, mwen te kenbe yo nan kè m, pou m pa t peche kont Ou.
12 Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; ndidzidzisei mitemo yenyu.
Beni se Ou menm SENYÈ a. Enstwi mwen nan règleman Ou yo.
13 Nemiromo yangu ndichataurazve mirayiro yose inobva pamuromo wenyu.
Avèk lèv mwen, mwen te pale selon tout òdonans bouch Ou yo.
14 Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu, somunhu anofarira pfuma huru.
Mwen te rejwi nan chemen temwayaj Ou yo, konsi se nan tout richès yo.
15 Ndinofungisisa zvirevo zvenyu, uye ndinorangarira nzira dzenyu.
Mwen va reflechi sou règleman Ou yo, e okipe chemen Ou yo.
16 Ndinofarira mitemo yenyu; handingakanganwi shoko renyu.
Mwen va rejwi nan lòd Ou yo. Mwen p ap bliye pawòl Ou. GIMEL
17 Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu.
Aji ak gras avèk sèvitè Ou a, pou m kab viv e kenbe pawòl Ou.
18 Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.
Ouvri zye m pou m kab wè bèl bagay nan lalwa Ou yo.
19 Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu.
Mwen se yon etranje sou latè. Pa kache kòmandman Ou yo de mwen.
20 Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose.
Nanm mwen kraze ak anvi pou òdonans Ou yo tout tan.
21 Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu.
Ou repwoche ògeye yo, moun madichonnen yo, k ap egare kite kòmandman Ou yo.
22 Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu.
Retire repwòch ak mepri a sou mwen, paske mwen obsève temwayaj Ou yo.
23 Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu.
Malgre prens yo vin chita pou pale kont mwen, Sèvitè Ou va reflechi tout tan sou règleman Ou yo.
24 Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano.
Anplis, temwayaj Ou yo se plezi mwen ak konseye mwen yo. DALETH
25 Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.
Nanm mwen kole rèd nan pousyè a. Fè m leve selon pawòl Ou.
26 Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu.
Mwen te pale sou chemen mwen yo, e Ou te reponn mwen. Enstwi mwen nan règleman Ou yo.
27 Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.
Fè m konprann chemen òdonans Ou yo, pou m kab reflechi tout tan sou mèvèy Ou yo.
28 Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.
Nanm mwen ap kriye akoz doulè. Ban m fòs selon pawòl Ou a.
29 Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.
Retire sou mwen fo chemen an e ban mwen gras nan lalwa Ou a.
30 Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.
Mwen te chwazi chemen fidèl Ou a. Mwen te mete òdonans Ou yo devan m.
31 Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.
Mwen kole rèd de temwayaj Ou yo. O SENYÈ, pa fè m desi.
32 Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.
Mwen va kouri nan vwa kòmandman Ou yo, paske Ou va fè kè m vin grandi. HE
33 Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo.
Enstwi mwen, O SENYÈ, nan chemen règleman Ou yo e mwen va obsève li jiska lafen.
34 Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.
Ban mwen bon konprann, pou m kab obsève lalwa Ou. Konsa, mwen va kenbe li ak tout kè m.
35 Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro.
Fè m mache nan pa kòmandman Ou yo, paske sa fè kè m kontan.
36 Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama.
Enkline kè m a temwayaj Ou yo, e pa nan ranmase richès malonèt.
37 Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.
Vire zye m pou yo pa gade vanite e fè m reprann mwen nan chemen Ou yo.
38 Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa.
Etabli pawòl Ou a Sèvitè Ou a, kon (sila) ki gen lakrent Ou.
39 Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka.
Detounen lwen m repwòch Ou ke mwen krent anpil, paske òdonans Ou yo bon.
40 Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.
Gade byen, mwen gen anpil anvi pou òdonans Ou yo! Fè m remonte nan ladwati Ou. VAV
41 Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa;
Anplis, ke lanmou dous Ou a kapab rive kote mwen, O SENYÈ, sali Ou a selon pawòl Ou.
42 ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu.
Pou m kab genyen yon repons pou (sila) ki repwoche m nan, paske mwen mete konfyans mwen nan pawòl Ou.
43 Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu.
Pa retire pawòl verite a pou l ta kite bouch mwen nèt, Paske se òdonans Ou yo ke m ap tann.
44 Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri.
Konsa, mwen va kenbe lalwa Ou tout tan nèt, pou tout tan e pou tout tan.
45 Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
Epi mwen va mache nan libète, paske se òdonans Ou ke m chache.
46 Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi,
Anplis, mwen va pale sou temwayaj Ou yo devan wa yo, e mwen p ap desi.
47 nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida.
Mwen va pran plezi nan kòmandman Ou yo, ke mwen tèlman renmen.
48 Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.
Mwen va lonje men m vè kòmandman Ou yo ke m tèlman renmen. Mwen va reflechi tout tan sou règleman Ou yo. ZAYIN
49 Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro.
Sonje pawòl a sèvitè Ou a. Se nan li Ou te fè m gen espwa a.
50 Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.
Se sa ki ban m rekonfò nan mizè mwen an, paske se pawòl Ou ki fè m rekouvri fòs.
51 Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu.
Moun awogan yo meprize m nèt, men mwen pa vire kite lalwa Ou.
52 Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi.
Mwen te sonje òdonans Ou yo depi nan tan ansyen, O SENYÈ, e yo rekonfòte mwen.
53 Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu.
Chalè endiyasyon gen tan pran m akoz mechan yo, ki abandone lalwa Ou.
54 Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara.
Règleman Ou yo se chanson mwen nan kay kote m demere.
55 Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu.
O SENYÈ, Mwen sonje non Ou nan lannwit e mwen kenbe lalwa Ou.
56 Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu.
Se sa ki chemen m, mwen kenbe tout òdonans Ou yo. HETH
57 Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu.
Se SENYÈ a ki pòsyon mwen. Mwen te fè pwomès pou kenbe pawòl Ou yo.
58 Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa.
Mwen te chache favè Ou ak tout kè m. Fè m gras selon pawòl Ou.
59 Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema.
Mwen te konsidere chemen mwen yo, e te vire pye m vè temwayaj Ou yo.
60 Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu.
Mwen te fè vit e mwen pa t fè reta pou obeyi kòmandman Ou yo.
61 Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu.
Kòd a mechan yo te antoure m, men mwen pa t bliye lalwa Ou.
62 Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
A minwi, mwen va leve bay Ou remèsiman, akoz òdonans dwat Ou yo.
63 Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.
Mwen se zanmi parèy a tout (sila) ki gen lakrent Ou yo ak (sila) ki swiv règleman Ou yo.
64 Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu.
Latè ranpli ak lanmou dous Ou a, O SENYÈ. Enstwi m règleman Ou yo. TETH
65 Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.
Ou te aji ak sèvitè Ou a, O SENYÈ, selon pawòl Ou.
66 Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.
Enstwi mwen pou m sèvi bon jijman ak konesans, Paske mwen kwè nan kòmandman Ou yo.
67 Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.
Avan mwen te aflije, mwen te mache nan wout egare, men koulye a, mwen swiv pawòl Ou.
68 Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.
Ou bon e Ou fè sa ki bon. Enstwi mwen nan règleman Ou yo.
69 Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.
Awogan yo te fòje yon manti kont mwen. Avèk tout kè m, mwen va obsève tout òdonans Ou yo.
70 Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu.
Kè yo rèd, kouvri ak grès, men mwen pran plezi nan lalwa Ou.
71 Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.
Li bon pou mwen ke m te aflije, pou m te kab aprann règleman Ou yo.
72 Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.
Lalwa bouch Ou pi bon pou mwen, pase pyès lò ak ajan pa milye. YODH
73 Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.
Men Ou te fè m e te fòme mwen. Ban m bon konprann pou m kab aprann kòmandman Ou yo.
74 Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Ke (sila) ki krent Ou yo kapab wè m e fè kè kontan. Paske mwen mete espwa m pawòl Ou yo.
75 Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.
Mwen konnen, O SENYÈ, ke jijman Ou yo dwat, ke se nan nan fidelite, Ou te aflije mwen.
76 Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.
O ke lanmou dous Ou a kapab konsole mwen, Selon pawòl Ou a sèvitè Ou a.
77 Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
Ke mizerikòd Ou kapab rive kote mwen, pou m kab viv, paske lalwa Ou se plezi mwen.
78 Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
Ke awogan yo kapab vin desi, paske yo desann mwen, ranvèse mwen ak manti. Men mwen va reflechi tout tan sou òdonans Ou yo.
79 Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema.
Ke (sila) ki krent Ou yo kapab vire kote mwen. Yo va konnen règleman Ou yo.
80 Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.
Ke kè m kapab san tò nan règleman Ou yo, pou m pa vin desi. KAPH
81 Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Nanm mwen fè gwo anvi pou sali Ou. Se pawòl Ou m ap tann.
82 Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”
Zye m vin ba ak anvi pawòl Ou, pandan m ap di: “Kilè W ap vin konsole mwen?”
83 Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.
Sepandan, mwen vin tankou yon vye kwi diven k ap pran lafimen, Mwen pa bliye règleman Ou yo.
84 Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?
Konbyen jou sèvitè Ou gen? Se kilè Ou va pase jijman sou (sila) ki pèsekite mwen yo?
85 Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.
Awogan yo fin fouye fòs yo pou mwen, (Sila) ki pa an akò ak lalwa Ou yo.
86 Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.
Tout kòmandman Ou yo fidèl. Se ak manti yo te pèsekite mwen. Fè m sekou!
87 Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema.
Yo te prèske fin detwi m sou latè, Men pou mwen, mwen pa t kite òdonans Ou yo.
88 Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.
Fè m reprann mwen selon lanmou dous Ou a, Pou m kab kenbe temwayaj a bouch Ou yo. LAMEDH
89 Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga.
Jis pou tout tan, O SENYÈ, pawòl Ou fin etabli nan syèl la.
90 Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.
Fidelite Ou pandan tout jenerasyon yo. Ou te etabli tè a e li vin kanpe nèt.
91 Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai.
Yo kanpe nan jou sa a selon lòd Ou. Paske tout bagay se sèvitè Ou.
92 Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu.
Si lalwa Ou pa t plezi mwen, mwen t ap gen tan peri nan mizè mwen an.
93 Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.
Mwen p ap janm bliye òdonans Ou yo, Paske se avèk yo menm ke Ou fè m reprann fòs.
94 Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.
Se pa W mwen ye. Fè m sekou! Paske mwen te chache òdonans Ou yo.
95 Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.
Mechan yo ap tann mwen pou detwi m. Se ak dilijans ke mwen konsidere temwayaj Ou yo.
96 Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.
Mwen gen tan fin wè lizyè a tout pèfèksyon, men kòmandman Ou an vrèman vast. MEM
97 Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.
O! A la mwen renmen lalwa Ou a! Se sou li ke m reflechi tout lajounen.
98 Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.
Kòmandman Ou yo fè m pi saj pase ènmi m yo, Paske yo toujou pou mwen.
99 Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.
Mwen vin gen plis konprann pase tout pwofesè mwen yo, Paske temwayaj Ou yo se meditasyon mwen.
100 Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.
Mwen gen konprann plis pase granmoun yo, akoz mwen te swiv òdonans Ou yo.
101 Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.
Mwen te anpeche pye m antre nan tout wout ki gen mechanste, Pou m te kab kenbe pawòl Ou.
102 Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.
Mwen pa t vire kite règleman Ou yo, paske se Ou menm ki te enstwi m.
103 Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!
A la pawòl Ou yo dous nan gou mwen! Wi, pi dous pase siwo myèl nan bouch mwen!
104 Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
Soti nan òdonans Ou yo, mwen jwenn bon konprann. Pou sa, mwen rayi tout fo chemen yo. NUN
105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
Pawòl Ou se yon lanp pou pye m, e yon limyè nan pa pye mwen.
106 Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.
Mwen te sèmante e mwen va konfime sa, Ke m va kenbe òdonans Ou yo.
107 Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.
Mwen vin aflije anpil, anpil; fè m reprann fòs mwen, O SENYÈ, selon pawòl Ou.
108 Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.
O aksepte ofrann bòn volonte a bouch mwen an, O SENYÈ, enstwi mwen nan òdonans Ou yo.
109 Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.
Lavi m tout tan nan men m, malgre, mwen pa bliye lalwa Ou a.
110 Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.
Mechan yo te poze yon pèlen pou mwen, malgre, mwen pa t varye soti nan òdonans Ou yo.
111 Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.
Mwen te eritye temwayaj Ou yo pou tout tan, paske se yo ki lajwa kè m.
112 Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.
Mwen te enkline kè m pou fè règleman Ou yo jis pou tout tan, jiska lafen. SAMEKH
113 Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.
Mwen rayi moun ki gen de fas, men mwen renmen lalwa Ou a.
114 Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Ou se kote a pou m kache a ak boukliye mwen, Mwen ap mete espwa m nan pawòl Ou.
115 Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!
Kite mwen, malfektè, pou m kab swiv kòmandman a Bondye mwen yo.
116 Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa.
Soutni mwen selon pawòl Ou, pou m kab viv. Pa kite mwen vin wont nan espwa mwen.
117 Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu.
Kenbe mwen pou m kab jwenn sekou, pou m gen konsiderasyon pou règleman Ou yo tout tan.
118 Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.
Ou te rejte tout (sila) ki te egare kite règleman Ou yo, paske sediksyon yo a pa reyisi.
119 Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema.
Ou te fè tout mechan sou latè yo disparèt tankou kim initil. Pou sa, mwen renmen temwayaj Ou yo.
120 Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu.
Chè m ap tranble akoz lakrent Ou menm, e mwen gen laperèz jijman Ou yo. AYIN
121 Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu.
Mwen te fè sa ki jis e dwat. Pa kite mwen nan men opresè mwen yo.
122 Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira.
Aji kon soutyèn pou bonte a sèvitè Ou a. Pa kite awogan yo oprime mwen.
123 Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.
Zye m bese ak anvi wè delivrans Ou, avèk pawòl ladwati Ou.
124 Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
Aji avèk sèvitè Ou selon lanmou dous Ou a e enstwi mwen nan règleman Ou yo.
125 Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.
Mwen se sèvitè Ou. Fè m konprann pou m konnen temwayaj Ou yo.
126 Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa.
Se lè pou Ou aji, SENYÈ, paske yo te vyole lalwa Ou a.
127 Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa,
Pou sa, mwen renmen kòmandman Ou yo, plis pase lò, wi plis pase lò fen.
128 uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
Pou sa, mwen konsidere byen tout òdonans Ou yo selon tout bagay. Mwen rayi tout sa ki fo. PE
129 Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera.
Temwayaj Ou yo mèvèye. Akoz sa, nanm mwen toujou swiv yo.
130 Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.
Lè pawòl Ou antre, li bay limyè. Li bay bon konprann a (sila) ki senp yo.
131 Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu.
Mwen te louvri bouch mwen byen laj e te rale souf mwen byen vit. Se konsa mwen te gen anvi pou kòmandman Ou yo.
132 Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.
Vire kote mwen e fè m gras, menm jan ke Ou konn fè ak (sila) ki renmen non Ou yo.
133 Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga.
Byen etabli tout pa mwen yo nan pawòl Ou, e pa kite inikite vin domine sou mwen.
134 Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu.
Rachte mwen anba opresyon a lòm, pou m kab kenbe òdonans Ou yo.
135 Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
Fè figi Ou klere sou sèvitè Ou a, e enstwi mwen nan règleman Ou yo.
136 Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.
Se rivyè dlo menm ki koule sòti nan zye m, akoz yo menm ki pa kenbe lalwa Ou a. TZADHE
137 Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama.
Oudwat, O SENYÈ e jis se jijman Ou yo.
138 Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo.
Ou te kòmande tout temwayaj Ou yo ak ladwati. Yo fidèl nèt.
139 Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.
Zèl mwen fin manje m nèt, akoz advèsè mwen yo te bliye pawòl Ou yo.
140 Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida.
Pawòl Ou san tach; akoz sa, sèvitè Ou a renmen yo anpil.
141 Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu.
Mwen vin piti e meprize. Mwen pa janm bliye òdonans Ou yo.
142 Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.
Ladwati Ou se yon dwati ki jis pou tout tan e lalwa Ou se verite.
143 Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu.
Twoub ak doulè gen tan rive sou mwen. Malgre kòmandman Ou yo se plezi mwen.
144 Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.
Temwayaj Ou yo dwat jis pou tout tan. Ban mwen bon konprann pou m kab viv. QOPH
145 Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu.
Mwen te kriye ak tout kè mwen. Reponn mwen, O SENYÈ! Mwen va swiv tout règleman Ou yo.
146 Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.
Mwen te kriye a Ou menm. Sove mwen! Mwen va obeyi tout regleman Ou yo.
147 Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Mwen leve avan solèy leve pou kriye pou sekou. Mwen ap tann pawòl Ou yo.
148 Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.
Zye m rete ovèt pandan vè lanwit la, konsa, pou m kab reflechi san rete sou pawòl Ou.
149 Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.
Tande vwa m selon lanmou dous Ou a. Fè m reprann fòs mwen, O SENYÈ, selon règleman Ou yo.
150 Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu.
(Sila) ki swiv mechanste yo apwoche. Yo lwen lalwa Ou a.
151 Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.
Ou toupre, O SENYÈ e tout kòmandman Ou yo se verite.
152 Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.
Depi nan tan ansyen yo, mwen te konnen de temwayaj Ou yo, ke Ou te etabli yo jis pou tout tan yo. RESH
153 Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.
Gade sou afliksyon mwen an e delivre m, paske mwen pa bliye lalwa Ou a.
154 Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.
Plede kòz mwen e rachte mwen! Fè m reprann fòs mwen selon pawòl Ou.
155 Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu.
Sali a lwen mechan yo, paske yo pa chache règleman pa W yo.
156 Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu.
Gran se mizerikòd Ou yo, O SENYÈ. Fè m reprann fòs mwen selon òdonans Ou yo.
157 Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema.
Anpil se pèsekitè mwen yo, ak advèsè mwen yo. Malgre mwen pa vire kite temwayaj Ou yo.
158 Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu.
Mwen gade moun trèt yo e mwen rayi yo nèt, akoz yo pa kenbe pawòl Ou.
159 Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu.
Konsidere jan mwen renmen òdonans Ou yo. Fè m reprann fòs, O SENYÈ, selon lanmou dous Ou a.
160 Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi.
Fòs Kantite tout pawòl Ou yo se verite, e tout règleman dwat Ou yo la jis pou tout tan. SIN AK SHIN
161 Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu.
Prens yo pèsekite mwen san koz, men kè m kanpe etonnen devan pawòl Ou yo.
162 Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji.
Mwen rejwi nan pawòl Ou kon yon moun ki jwenn gwo piyaj.
163 Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu.
Mwen rayi tankou bagay abominab, tout sa ki fo. Men lalwa Ou a, mwen renmen l nèt.
164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
Sèt fwa pa jou mwen louwe Ou, akoz òdonans dwat Ou yo.
165 Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa.
(Sila) ki renmen lalwa Ou yo gen gwo lapè. Pa gen anyen pou ta fè yo chite.
166 Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu.
Mwen espere gen Sali Ou, O SENYÈ. Mwen te fè kòmandman Ou yo.
167 Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru.
Nanm mwen kenbe temwayaj Ou yo. Mwen renmen yo anpil anpil.
168 Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi.
Mwen kenbe òdonans Ou yo avèk temwayaj Ou yo, Paske se tout chemen mwen yo ki devan Ou. TAV
169 Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu.
Kite kri mwen vini devan Ou, O SENYÈ. Ban mwen konesans selon pawòl Ou.
170 Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu.
Kite siplikasyon mwen yo parèt devan Ou. Delivre mwen selon pawòl Ou.
171 Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
Kite lèv mwen eksprime lwanj, paske Ou enstwi mwen nan règleman Ou yo.
172 Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama.
Kite lang mwen chante de pawòl Ou, paske tout kòmandman Ou yo dwat.
173 Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu.
Kite men Ou parèt pou fè m sekou, paske mwen te chwazi òdonans Ou yo.
174 Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
Mwen anvi wè delivrans Ou, O SENYÈ. Lalwa Ou se gran plezi mwen.
175 Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira.
Kite nanm mwen viv pou l kapab louwe Ou. Kite òdonans Ou yo ban m sekou.
176 Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.
Mwen te vin egare tankou yon mouton pèdi. Chache jwenn sèvitè Ou a, paske mwen pa bliye kòmandman Ou yo.