< Mapisarema 118 >

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
O give thanks to the LORD; for [he is] good: because his mercy [endureth] for ever.
2 Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”
Let Israel now say, that his mercy [endureth] for ever.
3 Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”
Let the house of Aaron now say, that his mercy [endureth] for ever.
4 Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”
Let them now that fear the LORD say, that his mercy [endureth] for ever.
5 Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura.
I called upon the LORD in distress: the LORD answered me, [and set me] in a large place.
6 Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko?
The LORD [is] on my side; I will not fear: what can man do to me?
7 Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.
The LORD taketh my part with them that help me: therefore shall I see [my desire] upon them that hate me.
8 Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.
[It is] better to trust in the LORD than to put confidence in man.
9 Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.
[It is] better to trust in the LORD than to put confidence in princes.
10 Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.
All nations encompassed me: but in the name of the LORD will I destroy them.
11 Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.
They encompassed me; yes, they encompassed me: but in the name of the LORD I will destroy them.
12 Vakandimomotera senyuchi, asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva, ndakavaparadza muzita raJehovha.
They encompassed me like bees; they are quenched as the fire of thorns: for in the name of the LORD I will destroy them.
13 Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira.
Thou hast violently thrust at me that I might fall: but the LORD helped me.
14 Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu.
The LORD [is] my strength and song, and is become my salvation.
15 Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!
The voice of rejoicing and salvation [is] in the tabernacles of the righteous: the right hand of the LORD doeth valiantly.
16 Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”
The right hand of the LORD is exalted: the right hand of the LORD doeth valiantly.
17 Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.
I shall not die, but live, and declare the works of the LORD.
18 Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.
The LORD hath chastened me severely: but he hath not given me over to death.
19 Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.
Open to me the gates of righteousness: I will enter them, [and] I will praise the LORD:
20 Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.
This gate of the LORD, into which the righteous shall enter.
21 Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.
I will praise thee: for thou hast heard me, and art become my salvation.
22 Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;
The stone [which] the builders refused is become the head [stone] of the corner.
23 Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu.
This is the LORD'S doing; it [is] wonderful in our eyes.
24 Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.
This [is] the day [which] the LORD hath made; we will rejoice and be glad in it.
25 Haiwa Jehovha, tiponesei; haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.
Save now, I beseech thee, O LORD: O LORD, I beseech thee, send now prosperity.
26 Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha. Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.
Blessed [be] he that cometh in the name of the LORD: we have blessed you out of the house of the LORD.
27 Jehovha ndiye Mwari, uye akaita kuti chiedza chake chivhenekere pamusoro pedu. Namatavi muruoko, pinda mumudungwe ubatane navamwe vari kuenda kunyanga dzearitari.
God [is] the LORD, who hath shown us light: bind the sacrifice with cords, [even] to the horns of the altar.
28 Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai; ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai.
Thou [art] my God, and I will praise thee: [thou art] my God, I will exalt thee.
29 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
O give thanks to the LORD; for [he is] good: for his mercy [endureth] for ever.

< Mapisarema 118 >