< Mapisarema 116 >
1 Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.
여호와께서 내 음성과 내 간구를 들으시므로 내가 저를 사랑하는도다
2 Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.
그 귀를 내게 기울이셨으므로 내가 평생에 기도하리로다
3 Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa. (Sheol )
사망의 줄이 나를 두르고 음부의 고통이 내게 미치므로 내가 환난과 슬픔을 만났을 때에 (Sheol )
4 Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!”
내가 여호와의 이름으로 기도하기를 여호와여 주께 구하오니 내 영혼을 건지소서 하였도다
5 Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi.
여호와는 은혜로우시며 의로우시며 우리 하나님은 자비하시도다
6 Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.
여호와께서는 어리석은 자를 보존하시나니 내가 낮게 될 때에 나를 구원하셨도다
7 Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
내 영혼아 네 평안함에 돌아갈지어다 여호와께서 너를 후대하심이로다
8 Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,
주께서 내 영혼을 사망에서, 내 눈을 눈물에서, 내 발을 넘어짐에서 건지셨나이다
9 kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.
내가 생존 세계에서 여호와 앞에 행하리로다
10 Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”
내가 믿는고로 말하리라 내가 큰 곤란을 당하였도다
11 Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”
내가 경겁 중에 이르기를 모든 사람은 거짓말장이라 하였도다
12 Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?
여호와께서 내게 주신 모든 은혜를 무엇으로 보답할꼬
13 Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.
내가 구원의 잔을 들고 여호와의 이름을 부르며
14 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose.
여호와의 모든 백성 앞에서 나의 서원을 여호와께 갚으리로다
15 Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake.
성도의 죽는 것을 여호와께서 귀중히 보시는도다
16 Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; makandisunungura pangetani dzangu.
여호와여 나는 진실로 주의 종이요 주의 여종의 아들 곧 주의 종이라 주께서 나의 결박을 푸셨나이다
17 Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri, uye ndichadana kuzita raJehovha.
내가 주께 감사제를 드리고 여호와의 이름을 부르리이다
18 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose,
내가 여호와의 모든 백성 앞에서 나의 서원을 여호와께 갚을지라
19 pavanze dzeimba yaJehovha, mukati mako, iwe Jerusarema. Rumbidzai Jehovha.
예루살렘아, 네 가운데서, 여호와의 전 정에서 내가 갚으리로다 할렐루야