< Mapisarema 115 >
1 Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu, nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.
Bizi değil, ya RAB, bizi değil, Sevgin ve sadakatin uğruna, Kendi adını yücelt!
2 Sei ndudzi dzichiti, “Mwari wavo aripiko?”
Niçin uluslar: “Hani, nerede onların Tanrısı?” desin.
3 Mwari wedu ari kudenga; anoita zvose zvinomufadza.
Bizim Tanrımız göklerdedir, Ne isterse yapar.
4 Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.
Oysa onların putları altın ve gümüşten yapılmış, İnsan elinin eseridir.
5 Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;
Ağızları var, konuşmazlar, Gözleri var, görmezler,
6 zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuhwidza;
Kulakları var, duymazlar, Burunları var, koku almazlar,
7 zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo.
Elleri var, hissetmezler, Ayakları var, yürümezler, Boğazlarından ses çıkmaz.
8 Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.
Onları yapan, onlara güvenen herkes Onlar gibi olacak!
9 Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
Ey İsrail halkı, RAB'be güven, O'dur yardımcınız ve kalkanınız!
10 Imi imba yaAroni, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
Ey Harun soyu, RAB'be güven, O'dur yardımcınız ve kalkanınız!
11 Imi vanomutya, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
Ey RAB'den korkanlar, RAB'be güvenin, O'dur yardımcınız ve kalkanınız!
12 Jehovha anotirangarira uye achatiropafadza: Acharopafadza imba yaIsraeri, acharopafadza imba yaAroni,
RAB bizi anımsayıp kutsayacak, İsrail halkını, Harun soyunu kutsayacak.
13 acharopafadza vanotya Jehovha, vaduku navakuru zvakafanana.
Küçük, büyük, Kendisinden korkan herkesi kutsayacak.
14 Jehovha ngaakuwanzei, mose iwe navana vako.
RAB sizi, Sizi ve çocuklarınızı çoğaltsın!
15 Jehovha ngaakuropafadze, iye muiti wedenga napasi.
Yeri göğü yaratan RAB Sizleri kutsasın.
16 Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha, asi nyika akaipa kuvanhu.
Göklerin öteleri RAB'bindir, Ama yeryüzünü insanlara vermiştir.
17 Vakafa havasivo vanorumbidza Jehovha, avo vanoburukira kwakanyarara;
Ölüler, sessizlik diyarına inenler, RAB'be övgüler sunmaz;
18 asi tisu tinokudza Jehovha, kubva zvino kusvikira narini. Rumbidzai Jehovha.
Biziz RAB'bi öven, Şimdiden sonsuza dek. RAB'be övgüler sunun!