< Mapisarema 114 >

1 Israeri akati abuda muIjipiti, imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe,
Quando Israele uscì dall'Egitto, la casa di Giacobbe da un popolo barbaro, Alleluia.
2 Judha akava imba tsvene yaMwari, Israeri ushe hwake.
Giuda divenne il suo santuario, Israele il suo dominio.
3 Gungwa rakazviona rikatiza, Jorodhani rwakadzokera shure;
Il mare vide e si ritrasse, il Giordano si volse indietro,
4 makomo akakwakuka samakondobwe, zvikomo samakwayana.
i monti saltellarono come arieti, le colline come agnelli di un gregge.
5 Haiwa gungwa, wakatizeiko, iwe Jorodhani zvawakadzokera shure,
Che hai tu, mare, per fuggire, e tu, Giordano, perché torni indietro?
6 imi makomo zvamakakwakuka samakondobwe, nemi zvikomo, samakwayana?
Perché voi monti saltellate come arieti e voi colline come agnelli di un gregge?
7 Dedera, iwe nyika pamberi paShe, pamberi paMwari waJakobho,
Trema, o terra, davanti al Signore, davanti al Dio di Giacobbe,
8 akashandura dombo rikava dziva, dombo rakaoma rikava matsime emvura.
che muta la rupe in un lago, la roccia in sorgenti d'acqua.

< Mapisarema 114 >